Amai Harris naVaTrump Votaura nezveMabatiro Avachaita Nyaya yeHupfumi Vakasarudzwa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Election 2024: Harris-Trump Combo Image

Kutsvaga rutsigiro kuri kuenderera mberi nhasi musarudzo yemutungamiri wenyika iri kuiitwa muna Mbudzi. Nhasi, mutungamiri wenyika VaJoe Biden nemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris avo vachamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika vange vari mudunhu reMarlyland pedyo neWashington DC.

Vaviri ava vataura nezvematanho avari kutora kudzikisa mari yekutenga mishonga inonwiwa nevakwegura. Aka ndekekutanga kuti vaite musangano vari vose kubva VaBiden zvavakati vainge vasisakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika vachisiira Amai Harris.

Vari kumirira bato reRepublican Party uye vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump vachaita musangano nevatori venhau kuNew Jersey pedyo neNew York nhasi.

Mutevedzeri waVaTrump VaJD Vance vange vari kuPennsylvania ukuwo mutevedzeri waAmai Harris, VaTim Walz vange vari kuRhode Island neNew York.

VaVance naVaWalz vatendawo kuti vachaita gakava kana kuti debate musi wa1 Gumiguru.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaTim Muringai vanoshanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTim Muringayi