VaBiden Votambidza Tsvimbo yeKutungamira Democratic Party Kuna Amai Harris Vachiti Pavo Vakasakura

VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika VaJoe Biden nhasi vataura pamberi pevatsigiri vebato ravo kuChicago kuri kuitwa musangano mukuru weDemocartic National Convention kana kuti DNC wekutambira tsvimbo yekutungamiri kwemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris kuti vatungamire bato remaDemocrats musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Amai Harris ndivo vaparura hurongwa hwekurumbidza VaBiden nemabasa avakaita mubato remaDemocrats nenyika. Vanhu vazhinji vashamisika sezvo Amai Harris vange vasingatarisirwe kutaura nhasi.

Amai Kamala Harris

VaBiden vatambirwa nemufaro pamusangano uyu. Vakazivisa kuti havachakwikwidze musarudzo sezvo vamwe mubato ravo vakakurudzira kuti nekuda kwekuti vakwegura vanofanira kusiira wechidiki ari kutemwa dzinobva ropa kuti atungamire bato iri musarudzo.

Mumashoko avo, VaBiden vabvunza vanhu kuti vakagadzirira kuvhotera Amai Harris nemutevedzeri wavo VaTim Walz here? Vanhu vapindura vachiti hongu.

VaBiden vashora zvikuru vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nekuramba kutambira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2020.

Mutungamiri wenyika ati akatora mhiko nyika yagwadama nekuda kweCovid-19 vanhu vasina mabasa. Ati vanhu vanofanira kuchengetedza hutongo hwejekerere.

Vati sarudzo iyi yakakosha mukuratidza kuti remangwana reAmerica rakamira sei. Vataura nezvavati vakakwanisa kuita pamwe naAmai Harris sekugadzira mugwagwa, hupfumi, zvehutano nezvimwe. Vakurudzira vanhu kuti vavhotere Amai Harris.

Amai Hillary Clinton

Vamwe vataura pamusangano wanhasi mudzimai waVaBiden, Amai Jill Biden uye vakasarudzwa nebato iri kuva mudzimai wekutanga kuri tungamirira musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016, Amai Hillary Clinton. Asi vakazokundwa naVaDonald Trump vebato remaRepublicans.

Amai Clinton vataura nezvenhoroondo yemadzimai yekurwira kodzero yavo yekuvhota uye kuti vakwanise kutungamira nyika. Amai Clinton vashora VaTrump vachiti munhu wekutanga kutsvaga rutsigiro abatwa nemhosva.

Vatiwo Amai Harris havashore vakarwa hondo zvinoitwa naVaTrump.

Amai Harris ndivo mudzimai wekutanga ane mubereki mutema uye amai vanobva kuIndia kusarudzwa kuti amirire bato guru iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Kunze kwevamiriri vebato iri kubva kumatunhu akasiyana siyana, madzimai matatu anoti Amai Amanda Zurawski, Amai Kaitlyn Joshua naAmai Hadley Duvall vataura nezvematambudziko avakasangana navo muhupenyu mushure mekubata pamuviri.

Vati mitemo yakadzikwa nekuda kwaVaaTrump yekurambidza kubvisa nhumbu kunyangwe hupenyu hwaamai huri munjodzi kana kuti munhu abatwa chibharo unoomesera madzimai akawanda zvichipa kuti vamwe varasikirwe nehupenyu.

Kuratidzira

Apo musangano uri kuenderera mberi, vamwe vanhu vakaungana panze vachiratidzira nezvichemo zvakasiyana siyana. Masangano mazana maviri abatana kuratidzira achiti haasi kufara nekutsigira kuri kuitwa Israel nehurumende yaVaBiden.

Chicago DNC protest police Palestine

Vanoti America haifanire kupa Israel zvombo zvekurwisa vanhu vemuGaza. Kunyangwe VaBiden vari kuti havasi kufara nekuurayiwa kwevanhu muGaza, avri kuti vanomira neIsrael.

Donald Trump

VaDonald Trump

Vari kukwikwidzana naAmai Harris, VaDonald Trump nhasi vange vari kuPennsylvania kwavati vange vachitaura nezvehupfumi.

Asi pane dzimwe nguva vange vachisiya kutaura zvehupfumi vachituka Amai Harris zvese nababa vavo vachiti vanoda kuunza mitemo inoshandiswa kunyika dzakaita seChina