MaDemocrats Anoti Amai Harris Havana Humbimbindoga saVaTrump

Democratic National Convention (DNC) in Chicago

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vataura nhasi pamberi penhengo dzebato ravo reDemocratic Party vachiti mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris ndivo chaivo vanokodzera kumiririra bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika yavari kukwikwidzana naVaDonald Trump.

VaObama vatambirwa nemufaro mudunhu ravakambogara reChicago riri kuitirwa musangano weDemocratic National Convention.

Vati, "America yagadzirira kutambira chikamu chitsva. America inoda kunyora nhoroondo itsva. Tagadzirira hutungamiri hwaAmai Kamala Harris."

Democratic National Convention (DNC) in Chicago

VaObama varatidzawo mutsauko pakati paAmai Harris naVaDonald Trump vebato remaRepublicans vachiti, Kamala Harris haasi kuzopedza nguva achitarisa nhamo dzake chete."

Vaenderera mberi vachiti, "Anenge akatarisa matambudziko enyu. Semutungamiri haasi kuzopedza nguva achingogadzirisa zvinonetsa vatsigiri vake chete nekuda kuranga nekuomesera vanomupikisa kana vanoramba kumunamata nekumupfugamira. Achashanda akamirira munhu wose wemuAmerica-Ndozvaari Kamala.”

VaObama vakachingamidzwa nemudzimai wavo, Amai Michelle Obama avo vakati sezvo Amai Harris vakanonoka kutanga kutsvaga rutsigiro, zvinoda kuti vatsigiri vebato iri vashande nesimba kuti vasarudzwe. Amai Obama vati, “Hatifanire kupedza nguva tichinetseka kuti tingasarudze here munhu akaita saKamala, tinofanira kushanda nesimba kuti zvikwanisike.”

Kunyangwe bato remaDemocrats rakatotambira Amai Kamala Harris kuti vatungamire bato, nezuro vakangozadzisa chirevo zvakare vachiti dunhu rega rega ritaure kuti riri kutsigira ani.

Amai Harris avo vainge vari kuMilwaukee, Wisconsin vachitsvaga rutsigiro vakatenda vanhu nekuvavhotera.

MaDemocrats akanzwawo kubva kumurume waAmai Harris VaDoug Emhoff avo vakati mudzimai wavo munhu akashinga uye anogara achifara. Vati, Achatungamira nemuono wekuti chero kwatinobva, chero chimiro chedu, takasimba kana tichirwa takabatana mune zvatinotenda, kwete zvatinotya."

Nhasi kwataurawo vamwe vanhu vebato remaRepublicans kusanganisira vakashanda pasi paVaTrump vari kuti vave kutsigira Amai Harris.

Mangwanani anhasi, vakasarudzwa kuva mutevedzeri waAmai Harris, gavhuna Tim walz vekuMinnesota vari kutarisirwa kutambira zviri pamutemo kudomwa kwavo nebato pachigaro ichi.

Zvichakadaro, VaTrump nhasi vachange vari mudunhu rakakosha zvikuru reNorth Carolina vaine mutevedzeri wavo VaJD Vance vachitaura nezvekuchengetedzwa kwenyika.

Republican presidential nominee former President Donald Trump speaks during a campaign rally at North Carolina Aviation Museum, in Asheboro, North Carolina, Aug. 21, 2024.

Nezuro vainge vari kuMichigan vachitaura nezvekuparwa kwemhosva kwavari kuti kwawedzera kunyangwe veFBI vachiti kwaderera.