Mushanyi wekuCzech Republic Akati Magetsi Ari Kunetsa muZimbabwe Adzingwa muNyika

Mumwe mushanyi kubva kuCzech Republic Lukas Slavik akasungwa achipomerwa mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana munyika abuditswa muZimbabwe zvine chisimba nhasi nevebazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika.

Slavik akasungwa nemapurisa mushure mekutora vhidhiyo achiratidza matambudziko evamwe vanhu vekuMasvingo vainetsekana kuwana mvura yekunwa uye kudzimirwa magetsi. Apo aitongwa, nagetsi acho akatombodzima mudare.

Asi mejastiriti Isaac Chikura nezuro vakati haana mhosva yaakange apara. Hatina kukwanisa kunzwa kune vekupinda nekubuda kwevanhu munyika kuti sei vatora danho iri.

Gweta rake vari nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKnowledge Mabvure vaudza Studio 7 kuti Slavik ange achiine mazuva ekuti agare munyika asi amanikidzwa kudzokera kunyika kwake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKnowledge Mabvure