Vanhu Mazana Matanhatu neMakumi Maviri neVaviri (622) Vafa neMpox Kunyanya muDRC

Mukuru weAfrica Centers for Disease Control and Prevention Dr Jean Kaseya vanoti vanhu vafa nechirwere chempox vazvika mazana matanhatu nemakumi maviri nemaviri (622) vafa nechirwere chempox kunyanya muDRC. Pane vafa, zviuru makumi masere kubva muzana vana vadiki.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi vanodarika zviuru makumi maviri nemaviri ane mazana masere nemakumi matanhatu nevatatu kana kuti 22, 863.

Chirwere ichi chapararirawo kuBurundi, Cameroon, Central African Republic, Ghana, Ivory Coast, Kenya, Liberia, Mozambique, Nigeria, Pakistan, the Philippines, Republic of the Congo, Rwanda, South Africa, Sweden, Thailand neUganda.

Sangano reWorld Health Organization raiparura homwe yemari inodarika zana remamiriyoni kana kuti US$135 million kurwisa dambudziko rechirwere chempox.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere dzinoti mashoko ekuti hutachiona uhu hwave kushanduka nekukurumidza zvopa kuti kuhurapa kuti netsei.

Chirwere ich chinopararira nekuita zvepabonde kana kuva pedyo nemunhu ari kurwara nacho.