Vanopikisa Vogariswa Mumajeri Matare Achiramba Kuvapa Mukana weKutongwa Vachibva Kumba

Human rights defenders Vusumuzi Moyo, Namatai Kwekweza, Samuel Gwenzi, and Robson Chere arrive at the Rotten Row Magistrates court in Harare with members of Zimbabwe republic police, Aug. 2, 2024.

Matare mumatunhu akawanda munyika achiri kuramba kupa mukana wekubvisa mari yechibatiso kune vanhu vanodarika zana nemakumi manomwe vakasungwa vachipomerwa mhosva dzekuda kukonzera kusagadzikana pamberi pemusangano weSADC.

KuGokwe, vanhu vasere vakasungwa mushure mekuratidzira vachiti mutungamiti wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabirira sarudzo vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nemusi weMuvhuro.

Vamwe vakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso uye vave kuenda kudare repamusoro munyori mukuru wesangano rinomiririra varairidzi reAmalagamated Rural Teachers Union od Zimbabwe VaRobson Chere nemurwiri wekodzero dzevanhu Muzvare Namatai Kwekweza nevamwe vaviri vakapambwa mundege panhandare yeRobert Mugabe International muHarare vakaitwa kafiramberi nevanofungidzirwa kuti vasori vasati vaendeswa kumapurisa.

VaJacob Ngarivhume

Vamwe vakasungwa vanosanganisira mutungamiri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba uye mutungamiri werimwe bato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivume. Izvi zviri kushorwa zvikuru nevanorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze.

VaJameson Timba

Gurukota rinoona nezvemitemo vaziyambi ziyambi vaudza Studio 7 kuti havapindire pane zvinenge zvichiitika kumatare.

KuMasvingo chete ndiko kune vaviri vabuditswa mujeri vanoti VaCalvin Muheyi vesangano revadzidzi reZINASU vakasungwa musi wa10 Nyamavhuvhu vachinzi vaikurudzira vanhu kuratidzira.

Vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Mumwe mushanyi wekuUganda Tom Ssekamwa uyo ainge akasungwawo achinzi ainge aine chidhori chekuitisa bonde anzi haana mhosva.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vati vari kunetsekana zvikuru nekunyimwa kwevanhu mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda