VaTrump naAmai Harris Voita Chipatapata Kunotsvaga Rutsigiro Mudunhu Rakakosha reGeorgia

Musarudzo yegore rino inotarisirwa kuti anokunda anokunda nemavhoti mashoma, dunhu reGeorgia nderimwe rematunhu mashoma akakosha zvikuru.

Amai Harris vakasarudza kushandisa bhazi kutsvaga rutsigiro muGeorgia vachanobva mukusarudzwa pamusangano weDemocratic National Convention kuti vatungamire bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika. Amai Harris vari kufamba nemutevedzeri wavo vaTim Walz.

Vaviri ava vakaenda pane chimwe chikoro cheLiberty County High School vakanosangana nevana vari muchikwata chinoridza mabosvo nengoma chichifora kana kuti marching band

VaWalz vakati, “Ndinonzwa kufara nekutenda kuva pamwe nechikwata chino nemurairidzi wenyu.” Vaenderera mberi vachiti, “Uye achange achitora chigaro chemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.”

Amai Harris vakarumbidzawo hutungamiri wevechidiki muGeorgia. Vati, Zera renyu, nezvamunomiririra, zvose zvamuinazvo nezvamuri kuita ndizvo zvichaendesa nyika ino mberi muchiita zvatinokwanisa kuita nezvatinotarisira kuva”

VaTrump vebato remaRepublicans ndivo vainge vakatungamira mutsvakiridzo dzaiitwa kuti ndiyani anokunda mudunhu iri. Asi kubva mutungamiri wenyika VaJoe Biden pavakazivisa kuti havachakwikwidze musarudzo vachipa Amai Harris tsvimbo, zvave kubuda zvinoratidza kuti ave mangange pakati paAmai Harris naVaTrump. VaTrump nemutevedzeri wavo VaJD Vance vange vari kuGeorgia svondo rapera.

VaVance vakati, “Tichakunda tikabatana, asi ndokunge imi vemuGeorgia makwanisa kuti tikunde. Vatiwo, “Rino idunhu rakakosha zvikuru muAmerica.”

VaVance naVaTrump vari kutsvaga rutsigiro vachitaura nezvemamiriro ehupfumi nekupinda nekubuda kwevanhu munyika vachiti VaBiden naAmai Harris vakundikana kugadzirisa nyaya iyi.

VaTrump vakati, Nevhoti yenyu, kukwira kwemitengo yezvinhu kuchamira, vari kupinda munyika ino vasina magwaro vachadzoserwa kumisha yavo.” Vatizve, “Havasi kuzopinda muno, tichavamisa. Muri kunzwa zvavave kutaura Amai Harris? Hanzi hee muganhu wedu wakasimba. Asi ndivo vane bhodha rinovhinza kudarika mamwe pasi rose.”

Asi vamwe vanoti kukunda kwaVaTrump kuGeorgia kuchati netsei sezvo vari kunetsana nagavhuna wedunhu iri anova nhengo yebato ravo VaBrian Kemp avo vanerutsigiro rwevanhu rwevanhu rwakakura.

Makore maviri adarika, VaKemp vakakunda musarudzo dzebato ravo remaRepublicans kunyangwe VaTrump vaitsigira vavaikwikwidzana naye. VaTrump vanoti VaKemp nemunyori mudunhu iri VaBrad Raffensperger ndivo vakapa kuti vakundwe musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2020.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Scott Stearns