Chatunga Mugabe Asungwa Mapurisa Achiti Haatarise Kuti Wabuda Mumba Maani

Bellermine Chatunga Mugabe

Mwanakomana wevaimbova mutungamiri nyika mushakabvu Robert Mugabe, Chatunga Bellarmine asungwa nhasi kuBeitbrdge achipomerwa mhosva yekurova mupurisa paroad block. Ari kunzi nebepanhau reNewsday aburitsa banga achiramba kusungwa.

Izvi zvatevera kutuka mapurisa kwaanozi aita mapurisa ange amisa motokari yaange ari achiti vange vachimunonotesa. Chatunga ndiye gotwe raVaMugabe naAmai Grace Mugabe.

Mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti Chatungwa asungwa.

Vati, “Ehe asungwa uyu, kana munhu akangotyora mutemo weZimbabwe anongosungwa, hazvina basa kuti ndiyani.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Nyathi