Nhengo dzeCCC Dzakasungwa kuKariba Dzichiti VaTimba neVamwe Vabuditswe muHusungwa Dzopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Dare repamusoro reHigh Court muChinhoyi nhasi rapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kune vagari vemuKariba gumi nevana vakasungwa musi wa 31 Chikunguru mushure mekuratidzira vachitsutsumwa nematungamirirwo ari kuri kuitwa nyika.

Vanhu ava vange vachimiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaMike Mutsvairo naMuzvare Clara Phiri. Vainge vapedza mazuva makumi matatu nematatu vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekuda kukonzera mhirizhonga pasi pemutemo weCrimina; Law (Codification and Reform) Act.

Mapurisa anoti vagari ava vavanoti vatsigiri vebato reCitizens Coalition for Change vakaratidzira nemotokari zvisina mvumo vachikurudzirwa kuti mutungamiri wavo VaJameson Timba nevamwe makumi manomwe nevanomwe vasingunurwe mujeri mavari.

Vakasungwa ava vanosanganisira vaimbo miririra Kariba mudare reparamende VaJohn Houghton vane makore makumi manomwe nemapfumbamwe ekuberekwa uye kanzura weWard 6 muKariba VaGeorge Masendu, VaFarai Mageva, Amai Patience Mukwiri, VaKizito Mambi , VaMaxwell Chikwata aged 36 years, Cossam Muchuzuki aged 43 years, Chamunorwa Matekenya aged 43, Farisai Chaukura aged VaJoseph Mili aged Va Spencer Madiro Evidence Mukurumbi , naVaMavhuto Harry.

Vainge vakatakura mapepa akanzi“Release Timba and the 78” “#Stop illegal arrests” “#No to one party state” “#We demand fresh elections” and “#Stop corruption #,” avanonzi vaipa vanhu caidarika mumugwagwa wekariba Makuti. Musi wa 20 Nyamavhuvhu, vanhu ava vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso namejastiriti VaArchie Wochiunga.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze ari kukurudzira hurumende kuti iburitse vanhu ava muhusungwa. Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vati hurumende haipindire pane zviri kuitwa kumatare.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaZiyambi Ziyambi

Asi vaimbova mumiriri wePelandaba-Tshabalala, VaGift Ostallos Siziba vanoti mutemo uri kutarisa kuti wabuda mumba maani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaOstallos Siziba

Mutongi wedare repamusoro Justice Philda Muzofa vati vanhu ava vabhadhare mari inosvika zana remadhora rekuAmerica pamunhu uye kuti vapote vachienda kumapurisa kuKariba kamwechete pamavhiki maviri uye kuti varambe vachigara padzimba dzavakati vanogara kudare uye kusiya magwaro avo ekufambisa kunamabharani wedare ramejastiriti kuKariba.