Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa Vanodzokorora Mashoko Avo eKuti Havasi Kuzoramba Vari paChigaro Kusvika 2030

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vadzokorora mashoko avo ekuti vachasiya chigaro panopera temu yavo yepiri vachiti havasi kuzodarika nguva yavakatarirwa nevana veZimbabwe iyo iri kupera muna 2028.

VaMnangagwa vataura mashoko aya muBeijing guta guru reChina pamusangano wavaita nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi, uyo wanga wakanangana nekuzvizivisa mabasa ari kuitwa nehurumende yavo kumusha pamwe nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvingaitawo sei kubatsira kusimudzira nyika.

"Ndakataura kare kuti ini I'm a constitutionalist. Makambozvihwa? Zvinoreva kuti ndotevedzera mutemo nebumbiro remitemo redu. Ndoritevedzera chaizvo chaizvo. Zvakarezve mini mumwe wevakarinyora. Saka vamunoita makuhwa navo muchiti kuda shefu vangazowedzera makore, aah bodo handiiti.

"Ndine ndima yangu yandakapiwa nevanhu veZimbabwe. Kana yapera kuchauya vamwe kuzotora ndima dzavowo," VaMnangagwa vakatsanangura.

Vakaenderera mberi vachiti nekudaro mubvunzo wekuti vachatonga temu yetatu kana kuti 3rd Term hauko uye hazviitiki kana vachiri pachigaro.

VaMnangagwa vatendawo vana veZimbabwe vari kunze nemari yavari kutumira kumusha yavati iri kubatsira kusimudzira hupfumi hwenyika, vachitendawo kushanda nesimbab kunoitwa nezvizvarwa zveZimbabwe kwese kwazviri.

Mutungamiri wenyika vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri weChina, VaXi Jinping, neChipiri vachizopinda musangano wepagore we2024 Summit of the Forum on China-Africa Cooperation (FOCAC), uyo uri kutanga musi weChitatu uchipera neChishanu.

Musangano uyu unonzi wakanangana nekusimbisa hukama pakati peChina nenyika dzemuAfrica uye kusimudzira budiriro munyaya dzehupfumi, kutengeserana, zvivakwa pamwe nekuderedza hurombo nekudyidzana mune zvematongerwo enyika.

Ukuwo, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi vari kuMalaysia uko vari kupinda musangano wepiri we Indonesia-Africa Forum pamwe neweHigh-Level Forum on Multi-stakeholder Partnerships.

Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose vari mudzidzisi paDeVry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti VaMnangagwa vaita chinhu chakanaka kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe vachiti ndizvo zvinofanirwa kutarisirwa kubva kuvatevedzeri vavo pamwe nemakurukota avo kana vashanya kunze kwenyika.

Panyaya yekuti nyika dzemuAfrica dziri kuwaneyi kubva kumisangano yekudyidzana neyika dzekumabvazuva nemadokero, Muzvinafundo Masocha vanoti zvinonetsa kunzwisisa kuti chii chiri kuwanikwa sezvo paine muono wekuti China ndiyo iri kunyanya kutowana cheuviri kuAfrica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti avo vanoshora kudyidzana kwenyika neChina vanhu vanenge vasina ruzivo kana nhoroondo yekwakabva rusununguko rwenyika vachiti China yakaita zvikuru mukubatsira kuwanisa rusununguko uye ichiri kuita zvakawanda kubatsira munyaya dzebudiriro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu