America yasarirwa nemazuva makumi matanhatu nemaviri kuti iite sarudzo yemutungamiri wenyika. Sarudzo inoitwa musi wa 5 Mbudzi.
Kutsvaga rutsigiro kuri kuenderera mberi pakati pevaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vari kumirira bato reRepublican Party nevavari kukwikwidzana navo, mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris veDemocratic Party.
Amai Harris vakabatana nezuro nemutungamiri wenyika VaJoe Biden kutsvaga rutsigiro kuPennsylvania. Vakaitawo misangano pazuva revashandi nezuro kuMichigan neWisconsin. Mutevedzeri waAmai Harris, VaTim Walz vainge vari kuMinnesota vachitsvagawo rutsigiro. Nemusi weChipiri, Amai Harris vaparurawo hurongwa hwekutsvaga rutsigiro muFlorida.
VaTrump nhasi vari kutarisirwa kuita hurukuro nemutori wenhau Sean Hannity kuPennsylvania. Vari kutarisirwawo kuenda kuNew York kunotsvaga rutsigiro nemusi weChina.
VaTrump vachiri kuchema chema kuti vari kutyira kuti sarudzo dzinogona kubirirwa.
Asi mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAll Hands On Justice uye vari muwongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika, Advocate Kennedy Masiye vanoti mapato maviri aya haana chekutya sezvo America ine hutongi hwejechetere uye yakadzika mitemo inobatsira kuti sarudzo dziitwe pachena uye zvinobuda musarudzo zviremekedzwe.
"America ine mapazi mazhinji anowona nezve kuchengetedzwa kwesarudzo uye kuti zvino buda musarudzo zviremekedzwe kunyangwe pakaita gakava sezvo nyika iyi ine hutongo hwejechetere," Advocate Masiye vaudza Studio7.
"Naizvozvo mapato maviri eRepublican Party neDemocratic Party anfanirwa kutsvaga rutsigiro zvakasimba vasina chekutya nekuti America inoremekedza bumbiro remitemo renyika rayo uye ine hutongi hwenjechetere," Advocate Masiye vaenderera mberi.
Your browser doesn’t support HTML5