Dare ramajisitiriti muHarare nhasi rawana vakafanobata chigaro chechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba, nevamwe vavo makumi manomwe nevanomwe (77) vasina mhosva panyaya yekusazvibata paruzhinji asi rati vaTimba nevamwe vavo makumi mamakumi matanhatu nevashanu (65) vachatongwa panyaya yekupesvedzera mhirizhonga.
VaTimba nevamwe vavo vakasungwa musi wa16 Chikumi kuAvondale vachipomerwa mhosva mbiri yekupesvedzera mhirizhonga pamwe nekusazvibata zvakanaka paruzhinji.
Asi mutongi, VaCollet Ncube, vasunungura mwanaVaTimba, Ndapuwa Sean, nevamwe gumi nemumwe pamhosva mbiri dzese idzi achiti vakangobatanidzirwa vasina mhaka.
Gweta ravo, VaJeremiah Bamu, VeZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanotsanangura zvabuda mudare. VaBamu vati, "Vamwe gumi nemumwe pane 77 vanga vasara vanzi havana mhosva yavanogona kuti vadaire pamhosva mbiri dzavange vachipomerwa. "
Vatizve, "Asi vamwe vavo vanzi vachangodaira chete mhosva imwe yekutanga yekuzni vaive pakati pegungano rakakonzera mhirizhonga.”
VaTimba nevamwe vavo vanotarisirwa mudare mangwana uye dare rati vachuchusi nemapurisa vachaenda kumba kwavo kuAvondale kuti vanoona nzvimbo inonzi ndiyo yakapariirwa mhosva.
Vasungwa ava vakasungwa apo vaiti vaicherechedza zuva reMwana weAfrica kana kuti International Day of the African Child.
Mune imwewo nyaya, vanorwira kodzero dzevanhu, Muzvare Namatai Kwekweza, munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi VaRobson Chere nakanzura Samuel Gwenzi avo vakusungwa mundege panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International muna Chikunguru nhasi vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro kuti vatongwe vachibva kumba mushure mekunyimwa mukana uyu nedare ramajisitiriti.
Gweta ravo, Tinashe Chinopfukutwa, veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti vafara kuti chikumbiro chavo kudare chabudirira .
Saka vanzi vabhadhare madhora zana nemakumi mashanu ekuAmerica pamunhu uye uye kuti vagare pamAddress avakapa kumapurisa nekuti vamhan’are kumapurisa kuHarare Central chishanu chega chega chekupedzesera pamwedzi.
Vatatu ava vakusungwa zvichinzi vaive pagungano revanhu vakaratidzira pamatare amajasitiriti kuRotten Row vachitsutsumwa nekusungwa kwaVaTimba nevamwe vavo asi vari kuramba nyaya iyi.
Vachuchusi panyaya iyi havana kupikisa chikumbiro chevatatu ava kudare.
Vanhu vanodarika zana kubva kumativi mana enyika vakasungwa vachipomera mhosva dzekuti vaironga kuda kuratidzira nekuvhiringa musangano weSADC.
Zvichitevera kupera kwemusangano weSADC, mutauri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vakaudza vatori venhau kuti vasungwa ava vazobuda mujeri.
Mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vati zviri kuitika kumatare zvinoratidza kuti vanhu ava vakasungirwa zvematongerwo enyika.
VaMutsvangwa vakataura vakanatsobuda pachena kuti vanhu ava takavasungira zvematongerwo enyika asi ndovanogara vachitaura vehurumende kuti hatipindire zvine matare , hatipindire zvinotwa nemapurisa hezvo zvabuda pachena
Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira , vaudza Studio 7 kuti VaMutsvangwa vakatura mashoko aya vasingarevesi vakatiwo vanhu vave kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso ava ndivo vakakumbira matare kuti avape mukana uyu.
“Matanho ematare akangofamba sekufamba kwaanosiita. Hakuna kungomuka vanhu vonzi chibudai mujeri asi kuti ivo vacho vaburitswa ndivo vatatoneda kumatare, matare akagara pasi akaona zvakakodzera kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Matare haana anoatonga kunwe kweavo vakagadzwa sevatongi.”
Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti hurumende haipindire pamashandiro ematare.
Hurumende yakashorwa zvikuru nemasangano akaita United Nations, European Union neAmnesty International nemamwe nekusungwa kwakaitwa vanhu vachiimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamberi pemusangano weSADC.
Your browser doesn’t support HTML5