Mukuru weKodzero dzeVanhu muSangano reUN, VaTurk, Vokurudzira Dzihurumende Kukoshesa Kodzero dzeVanhu

  • Jonga Kandemiiri

Mukuru wekodzero dzevanhu muUnited Nations kana kuti UN High Commissioner for Human Rights, VaVolker Turk.

Musangano wechimakumi mashanu nenomwe uri pamusoro pekodzero dzevanhu, kana kuti 57th United Nations Human Rights Council, watanga neMuvhuro muGeneva, guta guru reSwitzerland, mukuru wekodzero dzevanhu musangano reUnited Nations, VaVolker Turk, vachikurudzira dzihurumende dzepasi rose kuti dzitungamidze kodzero dzevanhu mumitemo yadzinodzika nezviito zvadzo.

Kurudziro iyi iri kuuya panguva iyo hurumende yeZimbabwe iri kupomerwa mhosva yekuwedzera kutyora kwayo kodzero dzevanhu kuburikidza nekusunga vanoonekwa sevanoipikisa vachigariswa mumajeri kwenguva ndefu vasingapiwe mukana wekuti vabhadhare mari dzechibatiso.

Kunyange hazvo Zimbabwe iri kunzi iri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya, haisi panyika dzinonzi dzichakurukurwa nezvadzo kumusangano uyu.

Nyika dzemuAfrica dziri kutarisirwa kukurukurwa nezvadzo dzinosanganisira D-R-C, South Sudan ne Eritrea.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe pamire hurumende pakurudziro yaVaTurk iyi.

Asi VaZiyambi vagara zvavo vachiti hurumende haipindire munyaya dzekumatare uye mutemo hautarise kuti wabuda mumba maani.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMarufu Mandewere, vanoti iyi ikurudziro yakanaka chose, asi zvinonetsa kuti hurumdne dzakawanda dziitevedzere.

"Tinoona kuti zviri kuitika mazuva ano hurumende dzakawanda muno mu Africa havasi kuda kuchengetedza kodzero dzevanhu. Saka kurudziro iyi ndinoona yakanaka chose asi hurumende kazhinji hadzidi zvekuremekedza kodzero dzevanhu. Dzinoita sedzakazvarwa nemunhu mumwechete," VaMandewere vanodaro.

Zvimwe zvinonzi zvichakurukurwa kumusangano uyu zvinosanganisira nyaya dzekutysidzirwa kwevanhu vanenge vachishandidzana neUnited Nations, kuchengetedzwa kwevanhu mumajeri pasina kutongwa, rusarura ganda, kutsakatiswa kwevanhu, kushanduka kwemamiriro ekunze, mvura pamwe nehutsanana.

Musangano uyu unotarisirwa kupera musi wa 11 Gumiguru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMarufu Mandewere