Amai Harris naVaTrump Votarisirwa Kukandirana Makobvu neMatate muGakava Ravo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Amai Kamala Harris naVaDnald Trump.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris nevaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kuita gakava revari kukwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika kana kuti presidential debate.

Vakawanda muAmerica nepasi rose vakatarisira gakava iri zvikuru sezvo Amai Harris igweta uye vaive muchuchisi ukuwo VaTrump vachizivikanwa nekugona kutaura.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika Doctor Chipo Dendere vanoti magakava akadayi akakosha kana akashandiswa sezvaano fanirwa kuita asi semawonero avo vaviri ava vachatanga nekukandirana makobvu nematete vasati vanyatsotaura zvavari kuda kuitira nyika vakasarudzwa.

Sarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica ichaitwa muna Mbudzi gore rino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Chipo Dendere