Zvikoro munyika zvavhurwa nhasi asi zvakatarisana nematambudziko makukutu anosanganisira nyaya yenzara yapfunya chisere munyika, kusiira panzira chikoro kwevamwe vana nekuda kwekubata pamuviri, kushaya simba kwedhora kwokonzera kudhura kwezvinhu zvichiomera vabereki uye kusafara kwevamwe varairidzi vachiti mari yavo haichatenge chinhu. Asi hurumende inoti zvinhu zvose zvakarongeka.
Mumwe mubereki wekuMagunje kuMashonaland West VaProfessor Panganayi Chakanyuka vati zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka kune vamwe vana vechikoro sezvo vatanga nekudzoserwa kumba nenyaya yemari yedzidzo.
Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teahers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vati vana vechikoro vatokundikana kuuya nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisa nzara nekutadza kubhadhara mari yedzidzo.
Mutungamiri sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ vati kusabhadara varairidzi mari yakakwana kwave kupa kuti vasashandewo nemoyo wese.
Asi munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Union kana kuti ZIMTA VaGoodwill Taderera vati zvinhu zvange zvichifamba zvakanaka muzvikoro.
Mutauriri wedzidzo yeprimary nesecondary VaTungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti vari kufara nemamiriro akaita zvinhu muzvikoro.
Mukuru wesangano rinoona nezvebudiriro muzvikoro reNational Schools Development Committee, VaBanny Manokore vaudza Studio7 kuti
Panyaya yemari yechikoro, hurumende inoti vana vabhadhare mari inotangira pamadhora mashanu kusvika pamakumi maviri zvichienderana nekuti vari kumamisha, kunogara vazhinji kana kuti vashoma mumadhorobha. Kusecondary, vabereki vanobhadhara mari inotangira pamadhora gumi kusvika pamakumi mana zvichienderano nekuti vari kupi. Asi mari inenge ichinzi yeruvako inobhadhariswa nezvikoro ndiyo inenge yakawanda ichipa kuti vabereki vatatarike.
Vachitaura mudare reparamende, gurukota rezvedzidzo yepasi VaTorerai Moyo vakati vanasikana zviuru zvina nemazana mashanu nemakumi mashanu nevanomwe , 4, 557 vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuti vainge vave nepamuviri. Pavana ava, zana nemakumi matatu nevana vainge vari kuprimary.
Panyaya yenzara, VaMoyo vanoti hurumende yakaparura hurongwa hwekubatsira vana vechikoro vanodarika zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 nezvekudya muzvikoro. United Nations International Children’s Emergency Fund inoti vana vechikoro vanosvika zviuru mazana mashanu zvine makumi masere kana kuti 580 000 vakatarisana nenzara inotyisa munyika nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka wadarika.
Your browser doesn’t support HTML5