Mari yeZiG Yoramba Ichishaya Simba Zvopa Kukwira kweMitengo yeZvinhu muNyika

  • Jonga Kandemiiri

Kunyange hazvo hurumende ichiti yadzikamisa ZiG nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti rarasa simba.

Panguva iyo hurumende iri kuzvipembedza nekuzvirova dundundu ichiti yakwanisa kudzikamisa huremu hweZiG kuburikidza nematanho akawanda ayakatora, mitengo yezvinhu inonzi yatanga zvakare kukwira dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzichiti uyu mucherechedzo wekuti remangwana remari itsva yemunyika iyi harina kujeka.

Pari nhasi dhora rekuAmerica riri kutengwa nemaZiG gumi nemana pamusika wehurumende, kana kuti US$1.00 is to 14 ZiG.

Asi pamusika mutema dhora rimwechete remuAmerica rinonzi riri kutengwa nema ZiG ari pakati pemakumi maviri nemakumi matanhatu nemakumi maviri nemasere, kana kuti 1-26 kana 1-28 kana kudarika , richikwira kubva pa1 is to 24.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda neAfrica Centre for Economic Justice, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanoti kudzikira kwaita huremu hwemari yemunyika izvo zvave kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu hachisi chinhu chinganyanyoshamisa nekuda kwekuti Zimbabwe senyika iri kunyanya kushandisa dhora rekuAmerica.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti hongu huremu hwe ZiG hunoramba huchidzika nekuti pane zvakawanda zvinoita kuti mari yenyika inge ichiruza simba.

Ukuwo, Doctor Prosper Chitambara vesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti kushandiswa zvakanyanya kwedhora rekuAmerica kuri kuramba kuri pamusoro zviri kuita kuti ZiG rishaye simba.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti zviri kuitika izvi zviri kukonzerwa nekutambirwa zvakanyanya kuri kuitwa ZiG zviri kuitawo kuti riwande pamisika.

Asi mashoko aVaGwanyanya aya anopesa nezvinonzi zviri kuitika munyika umo vanhu vakawanda vari kunzi vari kuti havasati vambobata mari itsva iyi mumaoko.

Muzvinafundo Masocha vanodzoka vachiti kudonha kunoita simba reZiG ndiko kudhurawo kunenge kuchiita zvinhu muzvitoro nekuti zvinhu zvacho zvinenge zvichitengwa kana kugadzirwa nemari inenge yadhura kuiwana, mari yekuAmerica.

Nyanzvi dzehupfumi idzi dzinoti kuti mari yemunyika igadzikane kwenguva ndefu hurumende inofanirwa kuona kuti mitemo yairi kudzika yatevedzerwa uyewo kuona kuti huwori munyika hwaparadzwa.

Dzinoti kana izvi zvisina kugadziriswa nyaya yehupfumi hwenyika icharamba ichiita sebhasiketi raTizirai rinoti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yehupfumi ina Jonga Kandemiiri