Amai Harris naVaTrump Vatatsurana muGakava Rakakosha Zvikuru Pamberi peSarudzo

Election 2024 Debate

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris nevaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump vaita gakava nhasi kuPennsylvania vachitaura nezvehupfumi, kupinda kwevanhu munyika vasina magwaro, kudyidzana nedzimwe nyika uye kutambira zvinenge zvabuda musarudzo.

Amai Harris vatanga kutaura nezvehupfumi asi VaTrump vabva vakurumidza kuzeya nyaya yekupinda nekubuda kwevanhu munyika. Vaviri ava vazotanga kutaurawa nezvekubviswa kwenhumbu muAmerica.

Kupinda kwevasina magwaro munyika

Amai Harris

VaTrump vati hurumende yaAmai Harris iri kubvumidza vanhu kupinda munyika vachibva kune dzimwe nyika nechinangwa chekuda kuti vavhote musarudzo yemutungamiri wenyika. Vati, “Sarudzo dzedu dzakaipa. Vanhu vose vari kupinda munyika medu vari kuda kuvhota. Havagone kana kutaura chirungu.”

Asi mutemo weAmerica hautenderi kuita izvi. VaTrump vatiwo vamwe vari kubva kunyika yeHaiti vari kudya imbwa inova nyaya iri kurambwa ichinzi ndeyekunyepa. Amai Harris vatiwo VaTrump vakafurira nhengo dzebato ravo kuti dzisatambire bhiri rekusimbaradza miganhu yenyika.

Kubvisa nhumbu

Amai Harris vati madzimai akazvitakura akasangana nematambudziko anoda kuti vabvise nhumbu anoramba achijuja ropa pasina anobatsira nekuda kwemitemo yakadzikwa naVaTrump. Asi VaTrump vati chavakangoita kuti matunhu asarudze oga kuti anoda kuti paitwe sei kuburikidza nekuvhota.

VaDonald Trump

Kunyombana

Vaviri ava vange vachikandirana makobvu nematete vachiudzana kuti mumwe ari kunyepa uye vachiitanawo ndonda. VaTrump vati havanyatsozive kuti Amai Harris munhu mutema here kana kuti kwete. Asi Amai Harris vati VaTrump munhu anoda zverusaruraganda. VaTrump varamba izvi.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vashorwawo naVaTrump vachinzi vari kukundikana kuita basa. Asi Amai Harris vabva vavayeuchidza kuti vari kukwikwidzana navo kwete VaBiden. VaTrump vati Amai Harris vane hurongwa hwekutorera vanhu pfuti dzavo vakasarudzwa izvo zvanzi manyepo naAmai Harris.

Nyaya yekudyidzana nedzimwe nyika

VaTrump naAmai Harris vatatsuranawo panyaya dzakaita seRussia neIsrael. VaTrump vati dai vari ivo vainge vachitungamira nyika dai hondo dzisina kutanga pakati peIsrael neHamas kanawo pakati peUkraine neRussia. Vati vatungamiri venyika dzepasi rose vanovatya. Asi Amai Harris vati VaTrump vanopesvedzerwa nevanotonga nedemo kusanganisira VaVladimir Putin naVa Kim Jong Un vekuKorea.

VaTrump varamba kutaura kuti vari kuda kuti Ukraine ikunde here kana kuti kwete.

Amai Harris vabva vati, “VaTrump vanoyemura vanhu vanotonga nedemo.”

Vaenderera mberi vachiti, “Ndonyaya yakakosha pano. Mutungamiri wenyika yeAmerica anotungamira mauto, uye vanhu vemuAmerica vanoda mutungamiri wavanovimba naye anonzwisisa zvinofanira kuitwa neAmerica kuona kuti pasi rose rakagadzikana uye kuramba yakamira semusambangwena pane zvainomiririra kwete kutenegsa nekuda kunyengedzwa nemanyepo.”

Amai Harris vati VaTrump dai vakakunda kutaura kuno dai VaPutin vari muKyiv. Asi VaTrump vati dai VaPutin vakagara muMoscow hondo isina kutotanga hondo yacho.

Hutano

Pachirongwa chehutano chinonzi Obamacare chekubatsira varombo, VaTrump vati vanoda kuti chirongwa ichi chivandudzwe asi havana kutaura kuti vachaita sei sezvavakavimbisa. Amai Harris vati VaTrump vakayedza kubvisa mutemo uyu kanokwana makumi matanhatu.