Zimbabwe Yosimbaradza Kutsvaga Rutsigiro Rwekuti Isarudzwe Kuve Nhengo yeUN Security Council

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFredrick Shava.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Ambassador Frederick Shava, vakazivisa nemusi weChina kuti Zimbabwe iri mushishi kutsvaga rutsigiro rwekuti isarudzwe kuve imwe yenyika nhatu dzemuAfrica dzichange dziri nhengo dzeUnited Nations Security Council dzisina zvigaro zvefirapo muna 2027/2028.

Sarudzo idzi dzichaitwa muna 2026.

Ambassador Shava vakaudza vatori venhau muHarare pamhemberero dzekuzvitonga kweAmerica, idzo dzakanga dzanonoka kuitwa, kuti Zimbabwe yakatowana kare rutsigiro rwenyika dzose dziri mugungano reSADC, uye vakatosvitsa chido chavo chekukwikwidza kuAfrican Union iyo vanoti yakavimbisa kuvapa rutsigiro rwayo.

Pari zvino Africa ine zvigaro zvitatu muUnited Nations Security Council asi isiri nhengo izere, izvo zvakaita kuti pasimudzwe kurudziro yekuti ivewo nhengo ine zvigaro zvefirapo zviviri.

Mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, vari kukurudzirawo kuti kana Africa yakazowana zvigaro izvi, chimwechete chitorwe neAfrica Union Commission, chimwe choita zvekuchinjanwa nenyika dzemuAfrica.

Pari zvino Algeria, Mozambique neSierra Leone ndidzo nyika dziri kumirira Africa.

Zimbabwe yakambove nhengo yeUN Security Council kaviri muna 1982 nemuna 1993.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuSADC nekuAfrica Union kana chiri chokwadi kuti masangano aya ari kutsigira Zimbabwe.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa paDeVry Univerity muOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti chinhu chakanaka kuti Zimbabwe iisewo zita rayo munguwani yekutsvaga kuve nhengo.

Muzvinafundo Masocha vanoti kana dai Zimbabwe yakasasarudzwa, izvi zvakanakira kuti nyika inenge yazvishambadza kune dzimwe nyika dzapasi rose.

Muzvinafundo Masocha vanoti zvinhu zvingangoita kuti Zimbabwe isasarudzwa zvinosanganisira mabatiro ayo nyaya dzekodzero dzevanhu, mamiriro ezvehupfumi pamwe nezvamatongerwo enyika, vachiti zvose izvi zvinotariswa pakusarudzwa kwenhengo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha