Mwana weChikoro Nicole Chabata Akasungwa neveCCC Apihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Nicole Chabata

Mumwe mwana wechikoro Nicole Chabata akasungwa pamwe chete nemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba musi wa 16 Chikumi apihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nhasi. Nicole anzi abhadhare mari inosvika mashora makumi mashanu ekuAmerica kana kuti US$50.

Nicole ari kutarisirwa kunyora bvunzo dzeO Level gore rino. Vanhu ava vakasungwa kuAvondale vachipomerwa mhosva yekuda kukanganisa musangano weSADC waiitirwa muHarare. Asi vari kuramba mbosva yavari kupomerwa iyi. Kubva pavasungwa, vakawanda vavo vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Rimwe gweta revasungwa ava VaMarufu Mandevere vati VaTimba nevamwe vanenge vari mudare zvakare mangwana. Vachuchusi vari kuramba kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMarufu Mandevere