Mapurisa Ombomira Kushungurudza Magweta neVatori veNhau kuDare Mushure Mekumhan’arirwa

Magweta nevatori venhau vanoti nhasi mapurisa ange asinganyanye kuvashungurudza kudare ramejastiriti reRotten Row muHarare kuri kutongwa nyaya yenhengo dzechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change makumi matanhatu neina kusanganisira mutungamiri wacho VaJameson Timba dzave nemwedzi mitatu dziri mujeri dzichinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Magweta anomirira VaTimba nevamwe vavo, vanosanganisira VaMarufu Mandevere, VaWebster Jiti naVaJeremiah Bhamu vanova nhengo dzesangano resangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights vakaisa zvinyunyuto kudare zvinosanganisira kusabatwa zvakanaka nemapurisa kunyanya kurambidzwa kupa vatori venhau zvinenge zvabuda mudare.
Muchuchusi VaLancelot Mutsokoti vachimririra National Prosecuting Authority vakavimbisa kuendesa chikumbiro ichi kuvakuru muhurumende.

VaMandevere vaudza Studio 7 kuti mapurisa ange achivakanganisa kuita basa ravo kwemazuva akawanda. Vati, “Magweta akanyanya kushungurudzika nekuti vatori vanhau havasi kutenderwa kupinda mumatare uye panobuda magweta mumatare vatori venhau valence vachida kunzwa zvaitika mudare vanodzongirirwa nemapurisa.”

Vatori venhau vakaita saTrevor Mutsvairo, vatenda kuti padare paberekera ingwe. Vati, “Taakushanda tiine kutya mukati nekuda kwekuti pese patinenge tichida kuedza kutora nhau, vanoti (mapurisa) munhu wese ngaabude panze” Vatiwo, “Saka hapasisina kushanda zvine rusununguko,”.

Mumwewo mutori wenhau Constance Zuni, anoti mapurisa ari ari kuvatandanisa pavanenge vachida kutora minifananidzo. Ati, “Sevatori venhau tiri kushanda zvine kutya mukati, hatina kusununguka pakuita basa redu.”

Mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vanogara havo vachiti vanenge vaine zvichemo nemabatirwo ebasa nemapurisa vakasungunuka kumhan’ara.

Zvichakadaro kechitatu svondo rino, dare ramejastiriti harina kutura mtongo waro pachikumbiro chekuti VaTimba nevamwe vavo vatonge vachibva kumba.

VaMandevere vaudza Studio 7 kuti, “Mutongi anga asati agadzira mutongo iwoyo nekuti takanonoka zvikuru kupedza dare nezuro.”

Vatizve, “Saka mutongi vati nyaya dzese dzekutongwa vachibva kumba uye kuenderara kutongwa kwenya kuchaonekwa musi weMuvhuro. Ndozvatafambira kudare nhasi.”

Dare reMagistrate rinotarisirwa kupa mutongo waro nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

VaTimba nevamwe vavo vakasungwa musi wa16 Chikumi kumba kwavo kuAvondale muHarare. Vaiti validate kucherechedza zuva remwana weAfrica