Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatoresa mhiko, makomishina mana achange achishanda mukomisheni yeZimbabwe Independent Complaints Commission, iyo yakanangana nekunzwa zvinyunyuto zvevanhu pamusoro pemaitiro nemashandiro emapurisa eZimbabwe Republic Police, mauto eZimbabwe National Army, kuchitiwo vasori veCentral Intelligence Organization pamwechete nevanoshanda kumajeri veZimbabwe Prisons and Correctional Services.
Sachigaro wekomisheni iyi vachange vari VaWebster Chinamhora, vaimbova mutongi mudare guru reHigh Court, kuchiti mamwe makomishina ndiVaOliver Mandipaka, vaimbove mutauriri wemapurisa uye nhengo yeZanu-PF yakambomirira Buhera West mudare reparamende; gweta, Amai Elizabeth Rutsate pamwechete naDoctor Andrew Mataruse. VaChinamhora vakasiya basa semutongi gore rapera mushure mekunge VaMnangagwa vaumba komisheni kuti ivaferefete panyaya dzehuori dzavaipomerwa
Vachitaura nevatori venhau mushure mekutora mhiko dzekushanda nhasi muHarare, VaChinhamora vavimbisa kushanda nesimba kuti nhunha dzeveruzhinji dzigadziriswe. Vati, “Semunhu akamboshanda semutongi, ini basa rangu ndiri kuriziva kuti inyore."
Vaenderera mberi vachiti, "Ndichashanda nevamwe vangu kuti matambudziko ari kusanganikwa nawo nezvizvarwa zveZimbabwe maringe nemapurisa, masoja, vanoshanda kumajeri, pamwechete nevasori, dzigadziriswe. Isu chedu hakusi kusunga munhu watinogona kuona kuti ane mhosva, asi kuti tichange tichiferefeta zvichemo zveveruzhinji, tozviendesa kumapandiko ehurumende akakodzera kuti dzigadziriswe.”
Vaimbova muutauriri wevechidiki mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaStephen Chuma, vanoti havaoni komisheni iyi ichiunza chimuko kune veruzhinji, sezvo vamwe vasarudzwa kupindamo, vachidyidzana nebato riri kutonga reZanu PF. VaChuma vaudza Studio 7 kuti, “Munozviziva kuti VaChinamhora vakachengetedzwa pamhosva dzavo dzekumatare gore rapera. VaMandipaka vaimbova mupurisa mukuru kuZRP, uye vakamboita nhengo yedare reparamende patikiti reZanu PF."
Vatizve, "Saka kusarudzwa kwavo kupinda mukomisheni yakakosha kudai mashura aJojina, nekuti zviri pachena kuti vachaisa zvido zvebato reZanu PF pamberi. Pachirungu tinogona kuti pane conflict of interest.”
Asi munyori mubazi rezvekubuditswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti kutaura kwevanhu vasina ruzivo, kana vachiti vanhu vakaita saVaChinamhora naVaMandipaka, vachatadza kuita basa ravo nekuti pane fungidziro yekuti vane divi ravakarerekera.
“Chizvarwa chese chemuZimbabwe chine kodzero yekusarudzwa kupinda pachigaro chinotenderwa nemitemo yemuno." VaMangwana vaudza Studio 7.
Vatizve, "Basa raimboitwa nevasarudzwa ava harikanganisi chinhu pakuita zvavasarudzirwa panguva ino. Zvakatonakira kuti vanhu vanotoziva mitemo, uye kuti havafaniri kurerekera divi pabasa ravo. Saka ndinoti hurumende yaVaMnangagwa yagona chose, yazadzikisa vimbiso yayo yekuti vana veZimbabwe vawane rubatsiro pavanofunga kuti vambunyikidzwa.”
Basa reZimbabwe Independent Commission nderekutambira nyunyuto kubva kune veruzhinji, maererano nebasa kana maitiro emapurisa, masoja, vanoshanda kumajeri pamwechete nevasori vehurumende.
Kana yatambira zvichemo izvi, komisheni iyi inobva yazviongorora, yobva yapfuuridza nyaya idzi nenzira yekupanga mazano, kuchikamu chehurumende chinenge chakanangana nenyaya dzacho. Iyo pachayo haina masimba ekusunga vanogona kubatwa nemhosva.
Mukuru wesangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa uyewo vane mabhizimusi madiki reNational Vendors Union Zimbabwe, VaStan Zvorwadza, vanoti vanovimba kuti komisheni yasarudzwa iyi, ichagadzirisawo nhunha dziri kusanganikwa nadzo nenhengo dzavo, idzo dzinogara dzakaita wakitsi nagonzo nemapurisa. VaZvorwadza vati, “Isu hatisi kufara nekugara tichitandaniswa nemapurisa nekuti tine chikamu chikuru chatiri kuitawo mukuedza kusimudzira hupfumi hwenyika."
Vaenderera mberi vachit, "Ndipo zvekare pane kurarama kwedu ipapa. Tiri kurohwa nekutorerwa zvinhu zvedu, zvinova zvisingafaniri kunge zvichiitwa nevatungamiri vanoti vanoda vanhu.”
Nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti vane chivimbo chekuti Independent Complaints Commission ichaita basa rayo nemazvo. VaZiki vati, “Ndinodavira kuti vasarudzwa ava vaneruzivo rwekuti basa ravo chairo nderei mukubatsira veruzhinji veZimbabwe."
Vatizve, Ndinovimba zvekare kuti sezvo vakakunda pabvunzo dzakaitwa dzekutsvaga makomisheni, vanokodzera kunge vachitungamira sangano iri. Chakakosha ndechekuti vafambe mugwara rinotaurwa nebumbiro remitemo.”
Mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvellous Khumalo, vanoti makomishina asarudzwa aya anogona kuita basa rinonwisa mvura, kana akasamanikidzwa kurerekera divi.
“Vanhu vasarudzwa ava vanogona kunge vakakodzera kuita makomishina asi dambudziko riri pakuti vanozokwanisa here kuita basa ravo vasina kumbunyikidzwa kuti vatore mativi." VaKumalo vaudza Studio 7.
Vaenderera mberi vachiti, "Iri ndiro dambudziko guru ratinonyanya kuona mumakomisheni akaita seiyi. Zvakakosha kuti vapiwe simba rekushanda vakazvimirira.”
Zimbabwe ine nhoroondo yekushungurudzwa kweveruzhinji nemapurisa nemasoja uyewo nevasori, kunyanya munyanya dzezvematongerwo enyika.
Kumakore ekuma1980, mauto nevasori vakapomerwa mhosva dzekuponda vanhu kuMidlands neMatabeleland uye hurumende ichiri kuyedza kupodza maronda aya. Muna 2008 vatsigiri vebato rinopikisa reMDC vanodarika mazana maviri vakaurayiwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF nevasori.
Mushure mesarudzo dzegore ra2018, vanhu vatanhatu vakapfurwa vakafa, nemasoja muguta guru reHarare, umo mairatidzirwa nevamwe vaitsutsumwa zvakabuda musarudzo idzi. Asi kusvika nazvino, nyaya iyi haisati yagadziriswa zvakati tsvikiti.
Mapurisa nerimwe divi, anonzi anogara achishungurudza veruzhinji nenzira dzakasiyana-siyana, dzinosanganisira kuvasunga vasina mhosva dzavanenge vaita uye kuita vamwe kafiramberi. Mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vanoti vanenge vaytorerwa kodzero dzavo vakasungunuka kumhan’ara.
Kumajeri, vanoshandako vanopomerwawo mhosva yekubata vasungwa senhapwa, kunyanya avo vanenge vachifungidzirwa kuti vanotsoropodza hurumende.
Vasori vanonziwo vanopamba vanhu nekuvaita kafiramberi kana kutovatsakatitsa.
Hurumende yange yave nemakore akawanda ichitsika madziro kuti komisheni iyi iumbwe.
Asi paramende yakamanikidzwa kuti ikurudzire vanhu kuti vadome vavaida kuti vapinde mukomisheni iyi, mushure mekunge nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaTakudzwa Ngadziore vaenda kumatare gore rapera vachimirirwa nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vachiti kusadoma nhengo dzekomisheni iyi kutyora bumbiro remitemo.
Izvi zvakatevera kuitwa kafiramberi kwaVaNgadziore nevanofungidzirwa kuti vasori muHarare.
Your browser doesn’t support HTML5