Vatori venhau vanoshanda vari muZimbabwe vakawana ruzivo kubva muzvidzidzo zvekushandisa njere dzakagadzirwa pamadande mutande kana kuti Artficial Intelligence. Zvidzidzo izvi zvakarongwa neboka renhau muAmerica reUnited State Agency for Global Media (USAGM) rakabatana nemuzinda weAmerica muZimbabwe
Vatori venhau kubva kunhepfenyuro dze3KTV, Keyona TV, Hearts and Soul neStudio7 vakapinda muzvidzidzo zvenjere dzakagadzirwa pamadandemutande kana kuti Artificial Intellegence.
Mumwe wevakapinda muzvidzidzo izvi, Memory Nyakarenga, uyo anoverenga nhau paterevhizheni ye3KTV anoti zvidzidzo izvi zvichamubatsira zvikuru pabasa rake.
Muzvare Nyakarena vati, “Tisati taita zvidzidzo izvi ndaifunga tinoziva zvakawanda, asi ndakatozoona kuti pane zvakawanda zvatinokwanisa kuishandisa zvatange tisingazive zvakaita sekupepeta nhau dzedu kugadzira mifananidzo, mavhidhiyo pamwe nemazwi."
Vatizve, "Takaona kuAI inokwanisa kutipa mazwi mumitaurao yakaita seShona, Ndebele nemimwe inoshandiswa munyika muno.”
Mumwe mutori wenhau we Heart and Soul, Joice Dzikiti, anoti zvaakadzidza zvichamurerutsira kuita basa rake. Dzikiti ati, “Isu sevanhu vanotapa nhau kuHeart and Soul tadzidza kuti tinokwanisa kutoshandisa AI kunyora nhau pamwe nekudzigadzirisa”
Mumwe mukuru wekusimudzirwa kwebhizinesi muUSAGM kumabvuzuva nekuchamhembe kweAfrica, VaTravis Hyde, vanoti vakaona zvakaosha kudzidzisa vatori venhau vemuZimbabwe kuitira kuti vashandise zvine hungwaru njere dzakagadzirwa pamadandemutande.
Vati izvi zvichaita kuti vatori venhau vaite basa ravo nekukasika vachifambirana nenguva sezvave kuitika kune dzimwe nyika.
VaHyde vati, “Zvikuru zvakaitika ndezvekuti vatapi venhau vave kukwanisa kushandisa Artificial Intelligence."
Vatiwo, "Parizvino vari kutya kuti Artificial Intelligence ichavatorera mabasa avo asi isu takavadzidzisa kuishandisa nekuti vasingagone kuishandisa ndivo vachatorerwa mabasa nevanogona kuishandisa.”
VaHyde vanoti vacharamba vachishanda nemuzinda weAmerica muZimbabwe kudzidzisa vatori venhau kushandisa njere dzakagadzirwa pamadandemutande mukutora nekufambiswa kwenhau.
Vachitaura vakamirira mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont, mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko pamuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLarry Socha, vakati zvakakosha kushandisa michina yechizvinozvino kuburitsa nyaya dzinoita kuti muZimbabwe muve nebudiriro, runyararo pamwe nehutongi hwegutsa ruzhinji.
Vakatiwo rimwe donzvo raAmai Tremont nderekuti Zimbabwe ikwanise kukwezva vemabhizimisi vekunze uye izvi zvinoitika nekufambiswa kwenhau dzeZimbabwe nekukasika pachishandiswa nzira dzemazuva ano dzenjere dzakagadzirwa pamadandemutande.
“Kutora nekufambisa nhau idzi nekukasika zvave kuda kushandisa michina yechizvino zvino neruzivo rwemahando yepamusoro rweArtificial Intellegince izvo zvamange muri kudzidziswa svondo rino.”
Mukuru weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, Dr Tabani Moyo, vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vapinde muchitima che Artificial Intelliegence.
VaMoyo vanoti kunyange Artificial Intelligence ichivandudza mashandiro avo, vanogona kuti varasikirwe nemabasa.
Vanotiwo ongororo yakaitwa nesangano ravo inoratidza kuti nyika dzekuchamhenbe kweAfrica hadzina hwaro hwekushandisa Artificial Intellegence uye vari kukurudzira dzihuruemende kuti dziise hwaro uhwu.
Vachitaura pamusangano weCommuniication and Information Science kuNational university of Science and Technology kuBulawayo svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, vakakurudzira vemapepanhau munyika kushandisa zvine hungwaru njere dzakagadzirwa pamadandemutande kuitira kuti vafambirane nenguva.
Masangano evatori venhau pasi rose achitungamirwa nesangano reReporters San Frontiers akaburitsa hwaro hwemashandisirwo eArtificial Intelligence anofanirwa kuitwa nevatori venhau.
Zvidzidzo zvemazuva matatu zvekushandisa njere dzakagadzirwa padandemutande, ndezvekutanga kuitwa neUSAGM muZimbabwe uye zvakapindwa nevatori venhau makumi matatu nemumwe chete.
Your browser doesn’t support HTML5