VaMnangagwa Voshamisa Vakawanda Nekusaenda kuNew York kuMusangano weUnited Nations

Zanu PF First Secretary Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti havasi kuzoenda kumusangano weunited nations kuNew York vachiti vawandirwa nebasa. Mutauriri wavo, VaGeorge Charamba vaudza vatori venhau kuti VaMnangagwa vachange vakamirirwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava.

Mashoko aya atsigirawo nemukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vati hapana chakaipa kuti mutungamiri wenyika atumire anomumiririra. Asi vamwe vanoti mubato ravo munogona kunge mapindwa naPongwe.

Pane kunetsana mubato iri pakuti VaMnangagwa voenderera mberi vachitungamira here kana kuti kwete. Ivo vanoti havasi kuda kuti bumbiro remitemo rivandudzwe kuti varambe vachitungamirira nyika.

Asi vamwe vanoti VaMnangagwa havasi kumisa vari kuramba vachiti ngavarambire panyanga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology Muzvinafundo Ricky Mukonza vaudza Studio 7 zvinoshamisa kuti VaMnangagwa vakundikana kuenda kumusangano wakakosha zvakadai.