Nyaya ye‘Chipoko chaMolly’ Chakanetsa kuChiredzi Yoitwa Mutambo

Chiredzi

Munyori ane mukurumbira munyaya dzemitambo, Peter Churu, ari kurumbidzwa zvikuru mushure mekuburitsa mutambo wake unonzi 'Molly Street' uyo unoburitsa pachena kushungurudzwa kwemadzimai mudzimba.

Molly Street inyaya yechipoko chinonzi chakanetsa kuChiredzi.

Unoburitsa pachena nyaya dzemhirizhonga yemudzimba.

Mutambo uyu unosirisa zvikuru sezvo uchirondedzera zvinonzi zvakaitika muChiredzi makore anodarika makumi mashanu apfuura. Mutambi mukuru munyaya iyi, Molly, anonzi airarama nekuita zvepabonde.

Mumwe murume waakadanana naye anonzi akapindwa nemweya wakaipa ndokupisa imba yainge yakarara Molly. Izvi zvakaita kuti Molly afire mumoto uyu.
Nekupindana kwemakore, chipoko chaMolly chinonzi chakatanga kuonekwa mudhorobha reChiredzi, zvikuru pabhawa rine mukurumbira mudhorobha iri rinonzi 'Chigarapasi.

Churu anoti kuwanda kwemhirizhonga yemudzimba kwakamupa shungu dzekunyora mutambo uyu aine chinangwa chekuratidza kuipa kwemhirozhonga idzi.

"Vana vedu vakawanda vamwe varikuurayana pamwe nekushungurudzwa vamwe vacho vachisvika pakufa chaiko saka iri rave dambudziko guru" mashoko aChuru.

Mutambo uyu une munhu mumwe chete wechidzimai anonzi Chido Tenga.

Tenga anoti vanasikana vakawanda vave kuroodzwa vari vadiki uye vachizoshungurudzwa nevarume vavo. Tenga anoti ari kufara kuti mutambo uyu wavepo kuitira kuti nyaya dzemhirizhonga dzirambe dzichitaurwa nenzira yakareruka. Ati, "Ndiri kunzwa kufara zvikuru nekuti ndiri kuita mutambo uyu kuti matambudziko ekuroodzwa kwevana vari vadiki kugadziriswe kuburikidza nemutambo uyu"

Vanorwira kodzero dzemadzimai vari mukuru wesangano reShamwari Yemwanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba, vari kukurudzira vanoita zvemitambo kuti vabatsire kurwisa mhirizhonga yemudzimba kuburikidza nemitambo iyo ine chinangwa chekuti mhirizhonga dzive shoma kana kusavepo zvachose.

"Tinoona nyaya idzi dzichikwanisa kutaurika zviri nyore kuburikidza nemutambo nekuti vanhu mukuona nekufarira mutambo ikoko vanenge vachitonzwa nekudzidza" Muzvare Chifamba vaudza Studio 7.

Vanodzidzisa zvemitambo nekutorwa kwenhau paMidlands State University, VaAbel Dzobo, vanoti mitambo yakadai yakakodzera zvikuru kushandiswa kutaura nyaya dzinoshungurudza magariro evanhu nekuti inopa vanhu mikana yekudzamisa pfungwa pamwe nekunzwisisa zvinofanirwa kuitwa.

VaDzobo vati, "Tinobva taona kuti mitambo inzira yakareruka kutaura nayo zvinhu zvinonetsa kutaura saka mitambo yakaita saMolly inofanirwa kugaroshandiswa kugadzirisa nyaya idzi".

Mumiriri weChiredzi Central mudare reNational Assembly, VaRopafadzo Makumire, vanoti kushungurudzwa kwemadzimai mumhirizhonga yemudzimba inyaya inosiririsa zvikuru.

"Nyaya dzemhirizhonga dzemudzimba dzatinetsa uye tinotarisira kuti mutambo unonzi Molly uyu uchatibatsira kuderedza nyaya dzemhirizhonga yemudzimba" VaMakumire vaudza Studio 7.

Mushandi mukuru muhofisi inoona nezvebudiriro yezvemitambo, tsika nemagariro mubazi rezvemitambo, Doctor Biggie Samwanda, vanoti mitambo ine basa guru mubudiriro yenyika nekudaro hurumende iripo mukutsigira mabasa akanangana nebudiriro iyi, kusanganisira zvinoitika mumagariro evanhu. Doctor Samwanda vati, "Ndopatioona hurumende ichidokwaira kuti budiriro yenyika iwanikwewo kuburikidza nezvemitambo kuti vose vari muchikamu ichi vabudirire"

Mutambo uyu uri ikutarisirwa kutenderera mumatunhu ose enyika uchikurudzira kupedzwa kwemhirizhonga yemudzimba.

Apo vakawanda vakamirira kuona mutambo wakanyorwa naChuru mumatunhu avo, vakawanda munyika nekunze vakamirirawo kunzwa zvakabuda mumakwikwi eAmerica's Got Talent akapindwawo nechizvarwa cheZimbabwe, Learnmore Jonas.

Izvi zvichaziviswa musi wa24 Gunyana 2024.