KuUnited Nations, VaBiden Vokurudzira Vatungamiri veNyika Kuti Vasade Kufira Pazvigaro

US President Joe Biden speaks during the 79th Session of the United Nations General Assembly at the United Nations headquarters in New York City on September 24, 2024. (Photo by TIMOTHY A. CLARY / AFP)

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakakurudzira vatungamiri venyika dzepasi rino kuti vasade kurambira pazvigaro asi vazive kuti ushe madzoro. VaBiden vakati nyika dzine hutongo hwejekerere ndidzo dzinobudirira.

Vakataura mashoko aya pamberi pegungano reUnited Nations General Assembly kanova kekupedzisira kutaura pamberi pegungano iri sezvo vave kuenda pamudyandigere mushure mekutungamira kwemakore mana chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaJoe Biden paNyaya yeHutongo Hwejekerere

VaBiden vakazivisa kuti havasi kuzokwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Panyaya yehondo pakati pechikwata cheHamas neIsrael, VaBiden vakati, “Zvakakosha kuti mativi ose awirirane pane zviri kutadzisa kuti panyoreranwe chibvumirano kuti vari muhutapwa vasungunurwe. Vati chibvumirano ichi chakatotambirwa nesangano reUnited Nations.

(FILES) An Israeli army M109 155mm self-propelled howitzer fires rounds near the border with Gaza in southern Israel on October 11, 2023.

VaBiden vakatiwo pakurwisana kwechikwata cheHezbollah neIsrael, “Hondo haina wainobatsira.

Kunyangwe zvinhu zvazvika pakaipisisa, kutaurirana kunokwanisika. Zvakakosha kuti vanhu vari kumiganhu kwenyika mbiri idzi vabvumidzwe kudzokera kudzimba dzavo, Izvi ndozvatiti kuyedza kuita.”

VaBiden vakataurawo nenyaya yehondo yekuSudan pakati pehurumende nevakaipandukira yavanoti yauraya vanhu vakawanda uye kusiya mamiriyoni akawanda vatiza misha.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaJoe Biden paNyaya yeHondo yekuSudan

Mutori wenhau weStudio 7 ari kumusangano weUnited Nations uyu, Taboka Ncube anoti mutungamiri wenyika yeBrazil ndiye atanga kutaura pagungano iri achizoteverwa nevamwe vatungamiri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naTaboka Ncube

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vatiwo misangano yeUnited Nations General Assembly yakakosha pakuumba remangwana rakanaka repasi rino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Mukonza