Nyaya Yekutengera Madzishe Motokari Yokonzera Gakava muNyika

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vapa madzishe zvikakarara zvemotokari makumi mapfumbamwe dzerudzi rweIsuzu. Danho iri rashorwa zvikuru nevakawanda vachiti nyika haichazive zvakakosha nezvisina.

Vachitaura nhasi muHarare pachiitiko chekupa madzishe motikari, VaMnangagwa vati hurumende yavo ine gwara rayakatara rinotarisa kugara zvakanaka kwemadzishe zvinosanganisira kuwana motikari dzekufambisa, kuisirwa magetsi nemvura pamisha yavo nezvimwewo, izvo zvichaita kuti basa remadzishe rive nyore. Vati, “Motikari idzi dzichaita kuti madzishe aiite basa rawo nemazvo uye pasina zvinovhiringidza hurumende yangu ichiramba ichiita zvakaita sezvizvi.”

Asi, vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mune chimwe chikwata cheCitizens Coalition for Change, VaDarlington Chigumbu, vashora zvikuru hurumende yaVaMnangagwa vachiti haichazive zvakosha nezvisina kuvana veZimbabwe. Vatiwo nzara iri munyika ndicho chinhu chinofanira kutarisiswa nehurumende yombomisa zvekugoverana motikari panguva iyo vanhu vari kutambura.

“Ndinoona sekuti tava kutoita dambudziko senyika panyaya yandingati pachirungu prioritisation. Hamugoni kuti mumba mune nzara baba voenda zvavo kunotenga hembe dzakanaka dzekupfeka,”VaChigumbu vaudza Stidio 7.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paTswane University kuSouth Africa, Muzvinafundo Gift Mugano, vatiwo, “Mari iyoyi inozokonzeresa kusadzikama kwemitengo munyika.” Vatiwo, “Mota idzi dzinotengwa nemari yekunze. Saka patiri kutenga motikari idzi tiri kupedza mari yekunze mhedzisiro tinosara tisina mari yekunze yakawanda tozoona mari yedu yava kudonha,”

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti, vati VaMnangagwa vari kutenga rutsigiro kumadzimambo nekuvapa dzimotikari.

“Saka izvi zvaitika izvi tinogona sekuti Mutungamiriri wenyika ari kutenga rudzikiro kumadzimambo. Madzimambo ane simba mumatunhu awo nekudaro vanoteererwa,” VaSauti vaudza Studio 7.

Asi mumwe wemadzishe apihwa motikari nhasi, VaNelson Murandu, vekuMasvingo, kana kuti Mambo Nemauzhe vaudza studio 7 kuti hapana bato rinogona kuvatenga nekuti ndivo varidzi venyika.

“Isu tagara madzimambo hatina zvekuti tinonzi tinganzi tingatengwa nekuti nyika yagara ndeyedu. Isu hativhotegwi,” Mambo Nemauzhe vaudza Studio 7.

Mambo Andrew Bvute, vekuMberengwa vatiwo motikari idzi dzinoshanda basa rakaita sekutakura varwere kuvaendesa kuzvipatara sezvo kumaruwa kusina motikari dzinotakura varwere. Vati, “Ini ndatakura vanhu vachiponera mumota yangu.” Vatizve, “Vanogwadziwa nematumbu ndichienda navo kuchipatara pachena zvisina kubhadhara.”

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakaudza dare reparamende masvondo mashoma apfuura kuti mari inosvika mamiriyoni gumi nematanhatu ekuAmerica yakashandiswa kutenga motokari dzemadzishe haina kunge iri mubhajeti regore rino.

Asi VaMnangagwa vati madzishe anofanirwa kutengerwa motokati pamakore mashanu ega ega.