America Yobatsira Madzimai emuNyika Ari Kuita zveMabhizimisi

US ambassador to ZImbabwe, Pamela Marie Tremont

Madzimai akawanda anoti ari kubatsirikana zvikuru nezvidzidzo zvekuita mabhizinesi akasiyana siyana zvaakawana kubva kumuzinda weAmerica muZimbabwe pasi pechirongwa cheAcademy for Women Entrepreneurs.

Mumwe wemadzimai akapinda muzvidzidzo zvakarongwa ne Academy for Women Entrepreneurs, zvichifambiswa nesangano rakazvimirira re Purse on Point Africa, ndiMuzvare Linah Tapera.

Muzvare Tapera mukuru wekambani inogadzira makeke inonzi Ultimate Cake Delights vati, “Zvakandibatsira kuti ndive nevekuziva mubhizimisi, zvinova zvakandibatsirazve kukudza bhizimisi rangu,”

Muzvare Beauty Naval vanotiwo kubudirira kwebhizimusi ravo nhasi pamusana pezvidzidzo zvavakawana kuburikidza neAcademy for Women Entrepreneurs vachiti, “Ini ndiri mumwe wevanhu vakabatsirika nechirongwa chekudzidzisa zvemabhizimisi chakaitwa ne US Embassy."

Vaenderera mberi vachitiwo, "Kubva pandakadzidza muchirongwa ichi ndakaona bhizimusi rangu richikura zvekuti ravakutoenzana nemamwewo anemukurumbira.

Mumwezve wemadzimai anoti akabatsirwa zvikuru nezvidzidzo izvi, ndiMuzvare Jestina Mare mukuru wekambani yeGlobal Customs Solutions. Vaudza Studio 7 kuti "Ndakadzidza zvekuti ndinoshandisa sei mari yangu yandiri kuwana mukambani."

Vatizve, " Ndakadzidzawo kuti ndinobatanawo sei nemamwe madzimai mubhizimusi kuti tisimudzimurane nekuti kufamba wega urimubhizimusi zvinorema.”

Mudzimai ari mubhizimisi rezvemafuta emotokari nezvimwewo, Muzvare Tinotenda Victoria Chimuti, anoti nekuda kwedzidziso yaakawana, ava kugona kumira semusambangwena kunyange zvinhu zvingaoma sei pakuita bhizimusi munyika.

“Kuburikidza nedzidziso yandakawana ndava nezvivindi zvekugona kuramba ndakashingirira mubhizimusi chero zvinhu zvakaoma muZimbabwe ndichisimudzirawo vamwe vanhukadzi uye ndava neruzivo rwekukurukura nevamwe vanamuzvinabhizimusi kuti tiite mushandirapamwe.” Muzvare Chimuti vaudza Studio 7.

Chipangamazano munyaya dzemabhizinesi uye vari mukuru wePurse on Point Africa muZimbabwe, Amai Thubelihle Ndlovu vati, “Madzimai akawanda nekuda kwekuti anosiiwa kumashure pasi rese munezvemari, ndicho chikonzero choita kuti sangano reAcademy for Women Entrepreneurs rinange kubatsira madzimai." Vatiwo, "Sangano iri rinopa rubatsiro rwunobatika kuti vana mai vawane pundutso pakurarama kwavo. MuZimbabwe kubva gore ra 2019, madzimai anodarika mazana mana vakabatsirika nesangano reAWE.”

Mumwe wevakapinda muchirongwa ichi, Muzvare Tinotenda Zowa, vanoti vakakwanisa kukudza bhizinesi ravo iro rava nemahofisi mudunhu reSADC, kusanganisira muSouth Africa umo mune kambani inogadzira zvinhu zvavanotengesa, zvinosanganisira zvikwanisiro zvekushambidzika kwemadzimai.

“Nekuda kwehurongwa hweUS Embassy inova Academy for Women Entrepreneurs, iyezvino tava nemahofisi muSandton kuSouth Africa uko kune zvatinoshandisa kugadzira zvikwanisiro zvekushambidzika kwemadzimai.” vakadaro Muzvare Zowa.

Vachitaura muna Nyamavhuvhu pachirongwa cheAcademy for Women Entrepreneurs muHarare, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Pamela Tremont, vakati vanokunzwisisa kuomerwa kwakaita vanamuzvinabhimisi vechidzimai munyika.


“Ndinoti mune zvivindi nekuti kutanga bhizimisi kunotyisa uye kuzere nezvisingakwanisiki kuonekwa kumberi uye nematambudziko." Vatiwo, "Munoziva izvi kudarika ini.”

Madzimai anosvika zana nemakumi maviri vakapinda muzvidzidzo izvi, vamwe vakapihwa mibairo wekugona kufambisa mabhizinesi avo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvemadzimai sezvo vashandi mubazi iri vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi America inoti yakazvipira kuvandudza hupenyu hwezvizvarwa zveZimbabwe nenzira dzakasiyana siyana.