Vakaremara Vanoti Vari Kusiiwa Muzvirongwa ZveKurwisa Matambudziko Akonzerwa neKushanduka kweMamiriro eKunze

Apo pasi rose riri kucherechedza vhiki rekurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze (Climate Change) pasi pechirongwa cheGlobal Climate Action Week, vakaremara vanoti vari kusangana nematambudziko akawanda anobva mukushanduka kwemamiriro ekunze anosanganisira nzara inokonzerwa nekusanaya kwemvura yakakwana, mafashamu , kupisisa pamwe nekutonhoresa dzimwe nguva vachiti nekuda kwezvavari vanoshaya zvikwanisiro zvekubatsirwa munguva inoitika izvo

Vamwe vakaremara vanoti munguva ino yenzara yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze hupenyu hwavo hunotonyanya kuoma.

Mumwe mugari wemudhorobha reMasvingo Amai Tsvetai Munharaunda , avo vasingaone vanoti nzara iriko yave kupa kuti vararame nekupemha.

Vati, “Makore ano hatina chatiri kuwana ndosaka tiri kutenderera mumasango zvandiri kutoita zvinondibatsira pane kugara kumba” Amai Munharaunda vaudza Studio 7.

Vamwe vakaremara vanotiwo pakaitika mafashamu emvura hupenyu hwavo hunenge huri munjodzi sezvo vasingakwanise kukurumidza kutiza zvinoita vamwe.

Amai Gladys Maringire avo vakaramera uye vaine vana vanofamba nema "wheel chair" vanoti munguva yekunaya vanenge vakatobatira ura mumaoko.

“Panguva yekunaya kwemvura hatigoni kuyambuka mabrigde kumamisha mvura iri kupinda mudzimba." Mai Maringire vudza Studio 7

Muzvare Agness Gurune vanoshanda mubazi rezvedzidzo avo ane husope vanotiwo kunze kukapisisa zvinogona kukonzera kuti vaite chirwere chegomarara. Vati, “Mari dzekutenga mafuta sunscreen hatina saka zviiri kutiremera”

Nyanzvi dzinoti kushanduka kwemamiriro ekunze kunonyanya kukonzerwawo nemabasa anoitwa nevanhu mune zvehupfumi hwenyika semumaindustry munenge muchibuditswa hutsi hwakawanda uye kushandisa marasha.

Zvimwe zvinokonzerawo kushanduka kwemamiriro ekunze kutemwa kwemiti.

Mumwe anoshanda munyaya dzezvekushanduka kwemamiriro ekunze VaSydney Chisi, vesangano reReina Trust, vanoti vakaremara havasi kupinzwa muzvirongwa zvekurwisa dambudziko iri. Vati, “Dambudziko recorruption rekuti vakapuwa zvinhu hazvisviki kune vakaremara ndoririko, asi vanenge vatsvaga mari vachiti ndeyevakaremara”

Mudzidzi wepachikoro cheUniversity of Zimbabwe chinoona nezvenjodzi kana kuti Risk and Disaster Management, Muzvare Faith Mazani, vanofamba newheel chair vanoti hurumende inofanira kuita zvirongwa zvedzidziso kune vakaremara.

Vanomirira vakaremara munyika kuAfrican Union, VaNyasha Nhau, vanoti hurumende inofanira kupinza vakarema muzvirongwa zvayo zvekurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze.

“Panpfanba pane mnapolicy akasimba nekuisa information kune vakaremara kuti vazive zvekuitra muunguva dzenjodzi” VaNhau vakurudzira

Hatina kukwanisa kunzwa zvizere kubva kugurukota rebazi iri Amai Sithembiso Nyoni asi hurumende ine mitemo nemagwaro ayakaisa kurwisa dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze sereZimbabwe Climate Change National Adaption Plan rakaparurwa muna2023 uye bhiri reClimate Change iro rinoda kuendeswa kuvanhu kuti vape pfungwa dzavo.

Mukuru webazi rinoona nezvekubatsira vanhu munguva dzeNjodzi(Civil Protection Unit) vari munyori mukuru mubazi regurukota reMasvingo Va Addmore Pazvakavambwa, vanoti mutemo wehurumende ndewekuti hapana anofanira kusaririra kumashure. VaPazvakavambwa vati, “Mutemo wedu wehurumende ndewekuyi hapana anosara izvezvi tirikuvaoa chaikafu munzara.”

Gore rino mhemberero huru dzeClimate Week dziri kuitwa parizvino kumuzinda weUnited Nations muNew York kumuchete wemusangano wevatungamiri venyika weGeneral Assembly.

Hurongwa uhu hwakatanga musi wa 22 Gunyana uchipera musi wa 29 mwedzi uno. Pane zvirongwa zvinodarika mazana matanhatu zviri kuitwa muNew York nemasangano akazvimirira oga, hurumende nevamwe