Vanhu vakawanda munyika, kusanganisira vemabhizinisi, vanotakura vanhu nemotokari pamwe nevanotengesa mumigwagwa vari kuramba kutambira mari yemunyika yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG vachiti havana chivimbo nayo.
Mumwe anoita basa rekutengesa zvekudya muChinhoyi, Muzvare Macyline Gomba, vanoti havasi kutambira maZiG nekuti vatengi, avo vari kushandisa mari yekunze mukutenga zvinhu zvavanoda, havasi kuda kuchinjwa nemaZiG.
Muzvare Gomba vaudza Studio 7 kuti, “Sevanhu vanotengesa maZiG parizvino ari kunetsa kushandisa nekuti vanhu vari kuaramba kana ukada kumuchinja.”
Dambudziko rakatarisana naMuzvare Gomba riri kusangana nevanotengesa mumigwagwa vakawanda.
Mumwe mutyairi wemotokari dzinotakura veruzhinji, VaTinotenda Chizhanje, vanoti havadi kutambira maZiG nekuti anovanetsa kuti vaashandise kutenga mafuta emotokari, ayo ari kutengwa nemari yekunze chete.
“ZiG rinonetsa nekuti ndikaripihwa ndichada kurichinja kuisa kumadhora ekuAmerica kuti nditenge mafuta emotokari” VaChizhanje vaudza Stufio 7.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neGMRI Capital, VaGilbert Muponda, vanoti hapana chinoshamisa pakurambwa kweZiG nekuti vanhu havachisina chivimbo naro.
“Vanhu havazotendi muZiG nekuti rinogona kumuka raderera mutengo zvinoita kuti vanhu vakariwana vanorichinje nekukasika kuti vawane madhora ekuAmerica.” Vaenderera mberi caching, “Izvi zvinoita kuti mutengo weZiG urambe uchidzikira pasi.”
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kurambwa kweZiG zvinoreva kuti vasingatambire madhora ekuAmerica vachararama hupenyu hunorwadza sezvo vanenge vomanikidzwa kutsvaka mari yekunze pamukoto kuitira kuti vakwanise kutenga zvavanoda muhupenyu hwavo.
VaKuchera vati, “Kurambwa kwema ZiG kunoreva mbonambona kuvanhu nekuti vave kumanikidzwa kutsvaga mari ye kune dzimwe nyika kuti vange vachikwanisa kurarama”
Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, “Harina kudonha asi ndizvo zvinoita mari yose kuti inokwira nekudzika.” Varied, “ZiG richabudirira, richakunda nekuti ndiwo mafambiro anoita mari.”
VaMarapira vanoti vanhu vanofanirwa kuziva kuti ZiG hapana kwariri kuenda uye ndiyo mari yemunyika.
Vaenderera mberi vachiti, “Isu seZanu PF hatitange chinhu chinokona saka vanoona sekuti ZiG richakundikana vanenge vachizvinyepera vari mudzimba dzavo, asi ZiG rakatouya uye hapana kwariri kuenda.”
Hatina kunzwa divi rebazi rezvemari sezvo mbozhanhare yegurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, yanga isingapinde.
Ukuwo munyori mubazi iri, VaGeorge Guvamatanga, vanga vasingadaire mbozhanhare yavo.
Zvimwe chetewo nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mushayavanhu, vanga vasingadairewo mbozhanhare yavo.
Bhanga guru renyika rkazivisa svondo rapera kuti rakapungudza huremu hweZiG nezvikamu makumi mana nezvina kubva muzana, izvo zvakakonzera kukwira kwemitengo yezvinhu munyika.