Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vari kufarira kuuya kwechikopokopo chiri kutakura varwere vanenge varwarisa kuti vanorapwa kuchipatara cheParirenyatwa kuHarare asi vamwe vanoti hurumende inofanirwa kuvaka makiriniki akawanda uye kuendesa mishonga nezvikwanisiro kuvanhu.
Mumwe wevari kufarira kutakurwa kwevarwere nechikopokopo ndiAmai Jestina Kumwala avo vanoti madzimai akazvitakura ayo ayida ruyamuro rwekusununguka nekueparesheni, vaifa nekunonokerwa nekudaro madzaimai aya achange ave kufamba nyore uye kukurumidza kusvika kuzvipatara zvikuru.
Amai Kumwala vati, “Zvakanaka kuti hurumende yatibatsira nekuti murwere anosvika nekukurumidza kuti abatsirwe”
Mumwe mugari wekuHurungwe, Amai Chenai Motsi, vanoti pasati pave nechikopokopo zvainge zvakaoma sezvo motokari dzinotakura varwere dzaishaikwa.
Amai Motsi vaudza Studio 7 kuti, “Zvainge zvakaoma nekuti pamwe motokari inotakura varwere yaishaikwa”
Asi vamwe vakaita semumiriri weKariba muparamende uye vaimbove mukoti kuSiakobvu, VaShine Gwangwava, vanoti zviri nani kuvandudza zvipatara nemakiriniki pamwe nekuisa mishonga kunzvimbo dzakawanda.
VaGwangwa vati, “Zvipatara ngazvivandudzwe vanhu varapwe vari kumamisha ikoko nekudaro zvipatara ngazve zviine zvikwanisiro zvose”
Vati rimwe dambudziko richasangana nevanenge vaendeswa kuHarare kunorapwa kushaya mari yekudzokesa.
VaGwangwava vaenderera mberi vachiti, “Munhu haafanirwe kuti kana apora anetse hama dzake achiti anoda mari yekudzokesa kumba”
Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti zvikopokopo zviri kuzadzisa hurongwa hwebazi ravo hwekuti varwere varapwe nekukurumidza.
“Chirongwa chezvikopokopo munyika chiri kubudirira zvikuru uye chiri kuzadzisa donzvo rebazi rezvehutano rekupa ruyamuro munyaya dzezvehutano munguva diki” VaMujiri vaudza Studio 7.
Sangano re UNICEF rinoti muZimbabwe vana vanodarika mazana matatu nemakumi matanhatu nevatatu kubva pavana zana rezviuru vanenge vaberekwa, vakafa mukuberekwa kwavo muna 2022, nguva zhinji nepamusana pekunonoka kuwana rubatsiro.
Mukuru wepachipatara chikuru chemuChinhoyi, Dr Collet Mawire, vanoti vari kushevedza chikopokopo ichi mazuva mashanu pasvondo kuti chitakure vanenge varwarisa vachida rubatsiro rwechimbi chimbi uye dzimwe nguva chinoshevedzwa kaviri pazuva.
Chikopokopo chinotora maminetsi makumi matatu kuenda kuHarare mutunhu unotorwa awa rimwechete nechidimu nemotokari.
Hurumende yakatenga zvikopokopo makumi matatu nezviviri zvinokosha madhora ekuAmerica mamiriyoni mazana matatu nemakumi maviri kubva kukambani yekuRussia yeRussian State Corporation kana kuti ROSTEC.
Asi kusvika pari zvino zvikopokopo gumi nezvisere ndizvo zvava munyika.
Zvimwe zvikopokopo zviri kushandiswa nemapurisa uye zvimwe zvichange zvichishandiswa munguva dzenjodzi huru kana kuti rescue missions.
Your browser doesn’t support HTML5