VaChibaya Vomiswa Pamberi peDare Vachipomerwa Mhosva Yekuposvedzera Mhirizhonga

ZIMBABWE-POLITICS/

Vaimbova mumiriri weMkoba north mudare reparamende VaAmos Chibaya vamiswa pamberi pedare ramejastiriti nhasi vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga panze pedare remajastiriti paitongwa nyaya yemutungamiri wechikwata chebato ravo reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba.

Gweta raVaChibaya, VaChris Mhike vanova nhengo yesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vati vanzi vadzoke kudare mangwana sezvo nyaya yavo yanonoka kutanga,

Pamberi pemusangano weSADC wakaitwa muna Nyamavhuvhu mutungamiri wenyika nemakurukota ake vaiti pane vanhu vaida kukonzera kusagadzikana munyika kunyangwe vaisapa humbowo hwacho.

Vanhu vakawanda zvikuru vanopikisa vakasungwa vamwe vakaregererwa vachinzi vainge vasina mhosva. VaTimba nevamwe makumi matanhatu nevashanu vakasungwa uye vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChris Mhike