Mapurisa eZimbabwe Republic Police akabatana neekanzuru yeChinhoyi aswera achiita hwakiti nagonzo nevanotengesa mumigwagwa vachivarambidza kuita basa ravo pamberi pekushanya kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mangwana.
VaMnangagwa vanova mukuru wezvikoro zvepamusoro zvose kana kuti Chancellor vachange vari paChinhoyi University of Technology kana kuti CUT apo panenge pachipfekedzwa nguwani kana kuti “graduation” kwevakapedza zvidzidzo zvavo.
Sechave chigariro panenge pachishanya mutungamiri wenyika kune dzimwe nzvimbo munyika, mapurisa ange akapakatira zvombo afumobata jongwe muromo achitandanisa vanotengesa mumigwagwa.
Mumwe adzingwa pedyo nechitoro chikuru chePick’n Pay muChinhoyi Amai Locadia Wazvaremhaka vati vanzi vambomire basa kusvika mukuru aenda.
Vati, “Tanzi timbobva tozodzoka kana graduation yapera” Vaenderera mberi vachiti, “Isusu ndipo patinoraramira asi kana vati tibve tinobva.”
Mumwe anotengesa mabhande nezvimwe ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Wasu ati kwemazuva maviri aya vatarisana nenzara. Ati, “Kunyange zviri zvemazuva maviri vamwe tichatambura nekuti vamwe tanga tisina kana mari yemuriwo.”
Asi mumwe anotengesa mumigwagwa VaMarvelous Vera vanoti hapana chakaipa kuchenesa guta kana kuchiuya muyenzi mukuru. VaVera vati, “Sezvo mutungamiri wenyika ari kuuya vangoti zvinhu zvive zvakarongeka.”
Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi VaTichaona Mlauzi vaudza Studio 7 kuti, “Izvi tinogara tichizviita kuti vanhu vatengesere panobvumirwa, hatimire kuita basa nekuti pane zviri kuitika mangwana.”
Mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizen Coalition for Change-CCC-VaPromise Mkwananzi vanoti zviri kuita vaMnangagwa ndizvo zvaingoita vaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe.
VaMkwananzi vati, “Hapana mutsauko watiri kuona pakati pehutongi hwaVaMnangagwa neVaMugabe tiri kuona kuti vose vanotya vanhu asi zvinosuwisa ndezvekuti iye zvino zvatonyanya kudarika nguva yaVaMugabe.”
Asi mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko pamuzinda webato reZamu-PF VaFarai Marapira vti kubviswa kwevanhu mumigwagwa kana mutungamiri wenyika achishanya zvine chekuita nekuchengetedzwa kwavo.
“Pane matanho anotariswa akaita seku chengetedzwa kwemukuru wenyika kana vagari vemunzvimbo, vanhu vanofanirwa kuzvinzwisisa.” VaMarapira vaudza Studio 7.
Vanhu vakawanda munyika vanorarama nekutengesa mumigwagwa sezvo munyika musina mabasa.
VaMnangagwa vachavhurawo zviri pamutemo mahofisi ekushandira paCUT pamwe nedzimba dzinogarwa nevana vanenge vachidzidza pachikoro ichi.
Your browser doesn’t support HTML5