Vashandi vakawanda munyika vari kuchema nedanho reReserve Bank of Zimbabwe rekudzikisa huremu hwemari yemunyika yeZiG nezvikamu makumi mana nezvina kubva muzana vachiti zvakakanganisa zvakanyanyamihoro yavo yavanotambiriswa iri mumari yemunyika pamwe nemari dzavanga vakachengeta dziri muma ZiG.
Danho iri rinonziwo rakaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwire muzvitoro iyo mihoro isina kwairi kuenda.
Vashandi vakawanda munyika, kusanganisira vashandi vehurumende, vanonzi vachiri kuwana mihoro yavo iri muzvidimbu zvemari yemunyika nemari yekuAmerica.
Asi gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube,vakazivisa neChitatu kuti hurumende yavo iri kuronga kuvandudza mihoro yevashandi vayo senzira yekuvadzivirira kubva kumatambudziko akakonzerwa nekuderedzwa kwehuremu hweZiG.
Asi mamwe masangano anomirira vashandi vehurumende anoti haatarisire chouviri kubva kuhurumende achiti anoziva kuti mashoko aVaNcube raingve godzera mumukanwa.
Ukuwo, vashandi vari mumakambani akazvimirira vanotiwo havaoni vashandirwi vachivandudza mihoro yavo kuti raramo yavo isimudzirwe.
Mutungamiri werimwe sangano revashandi vemumigodhi reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe, VaKurebwa Javangwe Nomboka vanoti vashandi vari kutsva kudumbu nekumusana.
"Mitengo iri kuiswa haisi kutarisa mushandi. Mari yacho yeZiG iyi, gavhuna mutsva vakatiudza kuti inobhekwa ne gold rinove ratinomaina isu vashandi riri kukwira mutengo, asi ZiG riri kudonha mutengo zvinotyisa," VaNomboka vanotsanangura.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaSnowball Tongogara vanoti chinangwa chakaunzirwa ZiG ndechekudzikamisa mari yenyika pamwe nekubata kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation, zvinove zvariri kuita.
"So, inongove a moment diki tichigadzirisa zvinhu. Makanzwa mutungamiri wenyika vachitaura kuti it's a duty of everyone to defend our currency. So, yes it's a painful moment asi ZiG richaramba riripo and hazvina kutanga kuitika muZimbabwe, zvinoitika munyika dzakawandawanda," VaTongogara vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5