Varairidzi vemuzvikoro zvePrimary neSecondary, vanoti hurumende inofanira kusimudzira mari dzavo dzemuhoro, uyezve kuvawanisawo zvikwanisiro zvakaringana zvekuti vaite basa ravo nemazvo.
Mashoko evadzidzisi aya anouya apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekukosha kwevarairidzi, reWorld Teachers Day mangwana.
Hurumende nhasi yacherechedza zuva revarairidz, reWorld Teachers’ Day ichiita mhemberero pachikoro cheNevana Primary School kuGokwe, mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro vachiti iri izuva rakakosha zvikuru rekupembedza mabasa ari kuitwa nevarairidzi munyika.
VaNdoro vanoti varairidzi vaungana kubva kumatunhu makuru ose gumi enyika vachicherechedza zuva iri, iro rinopembererwa musi wa 5 Gumiguru gore roga roga. Vati, “Tiri kupembera kuti varairidzi vedu vanhu vatinonzwa manyukunyuku kuti tinavo.”
Asi munyori werimwe sangano rinomirira kodzero dzevadzidzisi vekumaruwa vari muzvikoro zvepasi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRobson Chere, vanoti havaoni chekupemberera pazuva iri, nekuti vadzidzisi vari kunonga svosve nemuromo.
“Kodzero dzevadzidzisi dziri mubumbiro remutemo hadzisi kuremekedzwa zvachose nekuti anongoda kutaura panenge pachikanganiswa, anogona kubva asungwa otokandwa mujeri zvatinongoitwa.” VaChere vaudza Studio 7.
Vatizve, “Vamwe ndivo vanotyisidzirwa zvakaomarara, vamwe votodzingwa mabasa. Asi mhosva yavanenge vapara ndeyekutaura kuti mihoro yavo iri pasi zvakanyanya, uyewo kuti pavanoshandira panoda kuvandudzwa. Tinokurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzedu sevashandi.”
Mutevedzeri wemutungamiri werimwe sangano rinomirira vadzidzisi vari kumaruwa, reZimbabwe Rural Teachers Union, VaGibson Mushangu, vanoti vadzidzisi vari kumaruwa vanodawo kutsigirwa zvakanyanya sezvo vaine nhunha dzakati wandei kudarika vamwe vavo vari mumadhorobha. VaMashangu vati, “Isu zvinetso zvedu zvinosanganisira kushaya motokari dzinotiendesa kumabasa, sezvo zvimwe zvikoro zviri kure zvakanyanya nekwatinogara.”
Vatizve, “Kotiwo, dzimba dzekugara idambudziko guru. Dai zvaiita, taiwaniswawo zvingatibetsera kuti huoenyu hwedu huite nani, zvakafanana nekupiwawo minda yekurima, nezvekurimisa zvacho sekupiwa kunongoitwa vamwe vese munyika. Tinodawo zvifambiso zvinotitakura kuenda kumatawundi nemadhorobha ari pedyo nesu kana mihoro yedu yapinda, kuitira kunotora mari dzedu nekunotengawo zvatinoda. Basa remurairidzi weparuzevha ngaritendwe nekubata kwaanoita.”
Vadzidzisi vanoti vari kusanganawo nematambudziko ekutadza kuenda kuzvipatara panguva dzekurwara, sezvo vazhinji vavo vasingakwanisi kubhadhara mari dzemaMedical Aid.
Vanotiwo, basa ravo, iro raimboyemurwa zvikuru munharaunda, rava chiseko chenyika, sezvo vave kutadza kuita zvavaisimboita makore ekare, zvinosanganisira kuendesa vana vavo kuzvikoro zvepamusoro, kuvaka dzimba, kutenga dzimotokari, uyewo kupfekawo mbatya dzinopa chiremerera, nezvimwe.
VaNdoro vanoti zuva ranhasi iri harisi zuva rakanangana nekutaura nezvezvinetso zvevarairidzi zvekuti mihoro yavo yakamira yakadai nezvakadai nezvakadai. Vati, “Izuva rekuvambedza zvavari kugona kuita kuti isusu education system yedu ikwiridzirwe.”
Vaenderera mberi vachiti, “Varairidzi vedu vanotidadisa isusu senyika Zimbabwe. Nyika yeZimbabwe iri pamusorosoro panhau yatinoti literacy mupasi rose.”
Kunyange vachidaro zvavo VaNdoro, munyori musangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti mudzidzisi wemuZimbabwe chava chiseko chenyika.
“Chero ivo vadzidzisi vacho vave kungoita zvekudhakwa, kuita zvemhirizhonga mudzimba dzavo nezvimwe zvinoshoreka, nekuti vashaiswa chimiro nehurumende. Vana vacho vavanodzidzisa havachakwanisi kuvadzoreredza, ndizvo muchiona vachiita zvinoshoreka muzvikoro. Asi vakuru vari muhurumende vanokanganwa kuti, kuti vave zvavari nhasi, vadzidzisi. Kusvika mudzidzisi adzoswerwa chiremerera chake, acharamba angora rombe.”
Mumwe mubereki wevana vaviri vanodzidza paMaterera Primary School kwaSeke, mudunhu reMashonaland East, Muzvare Success Samupambi, vanoti sevabereki, vanewo musenzekete wekubatsira hurumende kuti vadzidzisi vararamewo hupenyu huri nani. Vati,“Tinozviziva kuti mari dziri kubhadharwa vadzidzisi ishoma, asi sevabereki tinofanira kutsigira mimwe mishando inoitwa nevadzidzisi ava.”
Vatiwo, “Semuenzaniso, vanofanira kutanga zvimabhizimusi zvekutengesa huku, kana mazai, nezvimwe, isu vabereki totengawo kubva kwavari. Mari iyi inenge isiri yechikoro kwete, asi yemuhomwe dzevadzidzisi, kunyange zvirongwa izvi zvichigona kuitirwa pazvikoro zvavanodzidzisa.”
Nyanzvi inowongorora nyaya dzezvedzidzo, uyewo vari munyori wemabhuku akamboita mudzidzisi kwemakore mazhinji, VaTonderayi Matema, vanoti zvakakosha kuti paitwe mubatirapamwe mukusimudzira hupenyu hwevadzidzisi, sezvo vanhu ava vakakoshera nyika zvakanyanya. VaMatema vati, “Murairidzi munhu akakosha mukati mekurarama kwedu, kunyange arerutswa hukoshwa hwake mazuva ano.”
Vaenderera mberi vachiti, “Muhupenyu hwemunhu wese anodarika nekuchikoro, anotoda kudzidziswa, ndiwo makoshero akaita vadzidzisi. Ticha iziso remubereki zvekare, sezvo vana vechikoro vachiita nguva zhinji vari muzvikoro. Saka tingavapa hedu mari shoma, asi vanhu ava vanoda kupiwa ruremekedzo rwukuru nekuti vakabata nyika.”
Asi kunyange vadzidzisi vari kuti vari kusangana nematambudziko akawanda kudai, hurumende inoti iri kuedza nepese painogona kuti nhunha dzavo dzigadziriswe. Chitatu chadarika, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakavimbisa kuti vashandi vese vehurumende, vanosanganisira vadzidzisi, vachawedzerwa mari dzavo dzemuhoro.
Zvichitevera vimbiso iri kupiwa nehurumende yekuti ichagadzirisa mihoro yevashandi vayo kusanganisira varairidzi, vakuru vanoti tinotenda maruva tadya chakata.
Your browser doesn’t support HTML5