Mapurisa Anoti Mbavha Dzakaba US$4 Million Hadzisati Dzasungwa.

Robbed Ecobank in Bulawayo

Mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vanoti mapurisa achiri kutsvaga mbavha dzakaba mari inosvika mamiriyoni mana kana kuti us$4 million mubhanga reEcobank muBulawayo nezuro.

Commissioner Nyathi vaudza Studio 7 kuti, “Musateerere zviri kutaurwa pamadandemutande, hapana ati asungwa.”

Vaenderera mberi vachiti, “Isu mapurisa tinozvitaurira toga, tichiri kuferefeta.”

Mbavha nhanhatu dzainge dzakapakatira pfuti dziine motokari chena yeFord Ranger dzakatorwa vhidhiyo masikati machena dzichiba mari iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naCommissioner Paul Nyathi