Chikwata chenhabvu yevanhurume chenyika cheZimbabwe Warriors chapinda mukamba neSvondo mugadziriro yacho yemitambo miviri neNamibia mumakundano eAfcon 2025.
Vatambi vezvikwata zvemunyika vasimuka vakananga kuSouth Africa mushure memitambo yavo yeCastle Lager Premier Soccer League uko vari kusangana nevari kubva mhiri kwemakungwa.
Vatambi ava vanosanganisira Khama Billiat weYadah, Emmanuel Jalai weDynamos, Walter Musona weSimba Bhora, naGodknows Murwira weCaps United, avo vaive pamitambo yeZimbabwe neKenya neCameroon iyo yakayakapera ari mangange 0-0.
Mutauriri weZifa, VaMike Madoda, vati vatambi vari kubva mhiri kwemakungwa vari kutarisirwa kuve vave muSouth Africa neMuvhuro, kunze kwaTino Kadewere weNantes, Marshall Munetsi weReims kuFrance naTeenage Hadebe weCincinanti kuOhio kuAmerica, avo vanga vaine mitambo manheru eSvondo nezvikwata zvavo.
Marvelous Nakamba weLuton, Terence Dzvukamanja weSupersport naBrendon Galloway we lymouth, avo vaive vasipo pamitambo neKenya neCameroon nezvikonzero zvakasiyana-siyana, vari kutarisirwa kuve vave mukamba Muvhuro.
Vatambi ava vari kubatanawo nevamwe vatambi vagara muchikwata ichi kwenguva refu vakaita saJordan Zemura weUdinese kuItaly, Andy Rinomhota weCardiff City kuEngland, Prince Dube weYoung Africans kuTanzania, Gerald Takwara weAl Minaa SC kuIraq naMunashe Garanganga weFC Copenhagen kuDenmark.
Tawanda Masvanhise weMotherwell kuScotland, Tawanda Chirewa weDerby County kuEngland naWashington Arubi weMarumo Gallants muSouth Africa vari kutarisirwawo zvakare kubatana nevamwe.
Zimbabwe yakatotumira kare kuSouth Africa vanoziva nezvedzinhandare kuti vanoongorora nhandare yeWitwatersrand iyo ichange ichishandiswa pagadziriro pamwe nenhandareyeOrlando iyo ichashandiswa pamitambo iyi.
Namibia neZimbabwe dziri kusangana pamitambo miviri yakateverana musi wa 11 na 15 Gumiguru muSouth Africa makare.
Kari kare veruzhinji vangadai vave kutoti Zimbabwe yakatokunda mutambo usati watambwa asi aimboridza pembe muPremier Super League, VaSam Hamandawana, vanoti kare haagare ari kare.
"Bhora raitambwa kare neraveko mazuva ano zvati siyaneyi. Nekuchinja kwaita bhora, zvaiitika kare hazvichaitika iko zvino," vanodaro VaHamandawana.
Zimbabwe iri pachinzvimbo chechitatu nemapoinzi maviri kubva mumitambo miviri mugungano rezvikwata zvina reGroup J iri.
Namibia ndiyo iri pasi pasi isina kana poindi imwe chete kubva mumitambo miviri.
Cameroon neKenya ndidzo dziri kutungamira nemapoinzi mana mushure mekurova Namibia nekuita mangange neZimbabwe.
Zimbabwe inofanira kurova Namibia mumitambo miviri iyi kuti irambe iine mukana wekuenda kumafainari eAfcon.
Asi George Mudiwa, uyo aimbobatira Caps United, anoti izvi hazvisi kuzove nyore.
"Tinofanira kukunda asi mutambo uyu wakaoma. Pane mutambo chaiwo. Tisafunge kuti iwalkover," anodaro Mudiwa.
Munyori wezvemutambo wenhabvu, Admire Muhimeke, anoti Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe pamitambo iyi.
"Zimbabwe haifanire kudheerera ma"Brave Warrior" aya. Vanofanira kutamba kunge (vari ksangana) neNigeria kana Cameroon chaiyo," anodaro Muhimeke.
Asi mutsigiri wemaWarriors ane mukurumbira, VaChris Romario Musekiwa, vanoti vane chivimbo chekuti Zimbabwe ichakunda mumitambo yakakosha iyi.
VaMusekiwa vanoti vatsigiri veZimbabwe Warriors vanofanira kuita chipatapata kuenda kunhandare kunotsigira chikwata chavo kuti chikunde.
"Vatsigiri vese veZimbabwe vanogara kuSouth Africa tinodada nemi nekuti pese panotamba Zimbabwe munouya nehuhwandu hwenyu hwakanyanya. Tiri kuti vese vemuZimbabwe nevari kuCape Town huyai tiite mhere-mhere, tibatsira maWarrior kukunda," ano kukurudzira achidaro Musekiwa.
Chakapedza neNamibia, chikwata chaMichael Nees ichi chiri kusangana neKenya musi wa 11 Mbudzi chichizopedzisa mitambo yacho neCameroon musi wa 19 Mbudzi.
Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro mugungano iri ndizvo zvichaenda kumafainari ayo achaitirwa kuMorocco gore rinouya.
Zimbabwe haina kupinda mumakwikwi eAfcon 2023 sezvo yakambenge yakarambidzwa kutamba mumakwikwi aya neFIFA zvichitevera kupindira kwehurumende munyaya dzenhabvu.
Nechikonzero chekuti Zimbabwe haina dzinhandare dzinogutsa zviga zveFIFA, zvikwata zvenhabvu zvinomirira nyika zviri kumanikidzwa kutamba mitambo yazvo kunze kwenyika.
Your browser doesn’t support HTML5