Vakawanda Vochema Gamba Rtd Col. Tshinga Dube

Tshinga Dube

Veruzhinji, vaive varwi vehondo yerusununguko pamwe nevamwe vakuru vakuru vehurumende, vaungana munhandare yeBarbourfields muBulawayo kunowonekana naVaTshinga Dube avo vakaitwa gamba renyika mushure mekushaya kwavo nemusi weChina chapera.

Kunyange hazvo munhandare mange muine vanhu vashoma vauya kuzoonekanaka nemufi, vataura pagungano iri vapa nhoroondo yakasimba yemufi vachiti akaita basa guru pakurwira rusununguko uye aive munhu ane rudo achida kusimudzira veruzhinji.

Vataura vakamirira mhuri, VaKennie Sigoba vati baba vaVaTshinga Dube vaive mufundisi asi VaDube vakaenda kuhondo nekuda kwekeuona kuti zvavaidzidziswa mumhuri mavo nekukereke handizvo zvaiitika sezvo panguva iyoyo vanhu vatema vaidzvanyiririrwa nevachena. Vati, “Sezvo iye aive akadzidza kubva kuvabereki vake kuti vanhu vanogarisana murudo, nekutaura chokwadi nguva dzose, ndizvo zvinhu zvaive zvakakosha muhupenyu hwake."

Vatiwo, "Ndichakumbira kuti hunhu ihwowho hwekutaura chokwadi, nekugarisana zvakanaka nevamwe vanhu, zvisave zvinopera kumhuri yedu yekwaDube”

Tshinga Dube memorial service in Bulawayo

Hanzvadzi yemudzimai waVaDube, VaLizwe Maphosa vaudza ruzhinji kuti imwe hanzvadzi yavo yakaroorwawo naVaSipepa Nkomo avo vakambove mumwe wevakuru vakururu vebato reMDC, uye vasetsa vakawanda pavati zvisinei nekuti VaDube naVaNkomo vaive mumapato ezvematongerwo enyika aive makara asiwonani, vaviri ava vaiwirirana.

VaMaphosa vati vanotenda hurumende nekupa mukuwasha wavo ruremekedzo rwegamba renyika. Vati, “Haana kuita zvekunzi uri gamba asi zviito zvake nehunhu ndizvo zvaita kuti apiwe ruremekedzo urwu." Vatiwo, "Ndakamirira vekwaMaphosa, pamwe nehanzvadzi yangu ndinoti Mwari vakomborere vanhu vose avo vabva kumativi akaisyana-siyana enyika.”

Mutevedzeri wameya weguta reBulawayo VaEdwin Ndlovu vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vati VaDube munhu aive nechido chekuti muBulawayo muve nebudiriro.

“Aive munhu aitaurika naye zvisinei kuti muri vemapato akasiyana. Aive munhu ane rudo neveruzhinji uye kuti dhorobha reBulawayo nenyika yeZimbabwe zvibudirire.”

Kunyange havo vasina kumbove nechinzvimbo muchikwata chenhabvu cheHighlanders VaDube vaive mutsigiri mukuru wacho. Nhengo yebhodhi reHIghlanders VaElkana Dube vati chikwata chavo charasikirwa zvikuru nekuti vaive denhe reruzivo kunyanya munyaya dzekuti chikwata ichi chiite mari.

Nhengo yeZanu-PF uye vaimbova mumiriri weVungu mudare reparamende VaOmega Sibanda avo vakambove nhengo yebhodzi reHighlanders pamwe nebhodhi reZIFA vaudza Studio 7 kuti VaDube vaipa dzidziso yakakosha mune zvematongerwo enyika pamwe nemuhutungamiri hwenhabvu. VaSibanda vati, “Pachirungu tinoti he was a true benefactor weHighlanders Club."

Vatizve, "Vakatanga kutsigira Highlanders vabva kuhondo kusvikira pari zvino vatisiya. Tarasikirwa asi tinofara kuti vakasiya vatidzidzisa tose...vanhu vakatungamira Highlanders kusanganisira inini pamwe nevamwe vadiki, tose takapiwa dzidziso naTshinga Dube.”

Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa muNational Railways of Zimbabwe Amai Ainah Dube-Kaguru vati sekambani varasikirwa zvikuru sezvo VaDube vaive nhengo yebhodhi ravo.

Vati, “Vaive muCommittee yeHuman Resources." Vaenderera mberi vachiti, "Uko ndiko kwawainyatsoona rudo rwavo kuvanhu nekuti vaitarisisa kuti vashandi vari kuwana mugove wavo wakakwana here. Dzimwe nguva semanagement taiti tikataura mari dzavaifunga kuti hadzina kukodzera vaibva vataura kuti ‘hatina kuenda kuhondo kuti vanhu varambe vachitambura.’

Kusarudzwa kwakaitwa VaDube kupinda mubhodhi reNRZ mugore ra2022 kwakakonzera mutauro vakawanda vachiti izvi zvairatidza pachena tsika yehurumende inotungamirwa nebato reZanu PF yekuramba ichipa mabasa akakosha kuhari dzofanzirofa.

VaMarshall Muzamindo mumwe mugari wemuBulawayo vati VaDube ndemumwe wevashoma vange vasara vane nhoroondo yakajeka yekuve murwi wehondo yerusununguko ane mutsindo kunyangwe zvavakarwira zvisiri kuzadzikiswa. VaMuzamindo vati, “Ichokwadi kuti pachivanhu chedu tinoti wafa wanaka asi zvinongozobuda pachena kuti vakasiya nyika iri mumatambudziko."

Vatizve, " Mumakore avo vakaona veruzhinji vachitambura sezviri kuitika kunyenga pari zvino. Asi vari ivo mumwe wevatungamiri hapana chavakaita kuti vayeuchidze vamwe vavo kuti vave kurasika gwara rehondo yerusununguko. Zvisinei tine hurombo kumhuri yarasikirwa.”

VaDube avo vakashaya musi weChina muBulawayo mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere cheitsvo vakambove mukuru weZimbabwe Defence Industries kwemakore makumi maviri nemaviri uye vakambovewo gurukota rezvevarwi vehondo yerusununguko.

Vasiya mudzimai Amai Nomathemba Dube, vana pamwe nevazukuru vane chitsama. Mufi anotarisirwa kuvigwa nemusi weChitatu kuNational Heroes Acre muHarare. Meya weguta reBulawayo VaDavid Coltart, mutevedzeri wegurukota reindustry VaRaj Modi, gurukota regdunhu reBulawayo Amai Judith Ncube nevamwe vakuru vakuru vehurumende, vange varipowo pagungano iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kudzanai Musengi