Varume Vokurudzirwa Kuongororwa Chirwere cheGomarara Resika Rudzi

Bazi rezvehutano riri kukurudzira varume vane makore makumi mana nemashanu zvichikwira kuti vaongororwe gomarara repasikaridzi kana prostate cancer kamwechete pagore.

Nyanzvi yezvirwere zvegomarara uye vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru anoona nezvezvirwere zvisingataputiranwi (Non communicable diseases) mubazi rezvehutano VaLee Nkala vati dambudziko regomarara repasikarudzi rakakura munyika. Vatiwo tsvakiridzo dziri kuitwa dzinoratidza kuti gomarara iri rinokonzera ndufu zvikamu gumi kubva muzana pavanhu vanofa nemagomarara pagore.

Vati, "Kuongororwa ndonzira yekuti nyika ikwanise kurwisa gomarara iri."

Vaenderera mberi vachiti, “Prostate Cancer igomarara rinobata panhengo dzevanhurume."

"Gomarara iri rakakura munyika yeZimbabwe. Mukuedza kuderedza huwandu hwevanobatwa negomarara iri bazi rezvehutano rinokurudzira kuti varume kubva pamakore makumi mana nemashanu vaongorerwe kamwechete pagore. Kana tichitarira magwaro ekuCancer Registry anotiratidza kuti gomarara rinobata panhengo dzevarume iri zvikamu gumi nechimwechete kubva muzana huye tikatarira vanofa necancer tinoona kuti gomarara iri rinoita zvikamu gumi kubva muzana,” VaNkala vaudza Studio 7.

VaNkala vati kuongororwa kunobatsira kuti chirwere ichi chibatwe chisati chakomba vachiti vanhu vanorwara nemagomarara vakawanda vanoenda kuzvipatara akomba.

VaNkala vati, “Ongororo dzebazi rezvehutano dzinoratidza kuti zvikamu makumi masere zvevanhu kubva muzana vanorwara nemagomarara vanoenda kuzvipatara gomarara rapararira nemuviri." Vatiwo, "Saka zvakakosha kuti gomarara iri rionekwe risati rapararira nekuti zvinenge zvirinyore kurirapa,”

Vatiwo , "Zviratidzo zvinogona kuonekwa kuti munhu anenge achienda nguva dzakawanda kunorasa mvura uye pakurasa mvura apa anenge achirasa mvura shoma shoma sezvo gomarara iri richivhara nzira inofamba nemvura."

Vatizve, "Asi dambudziko iri rinogona kuitawo kana munhu aita mapundu kunhengo iyi asi mapundu asina gomarara. Munhu anogona kunzwawo kutsva kunhengo pakurasa mvura uye kana gomarara rikanonokerwa munhu anogona kuona zviropa mumvura yaanobudisa, kurwadziwa pasi pedumbu kana kurwadziwa zvese nemakumbo."

VaNkala vatiwo kudya zvinovaka muviri nekuzvigwinyisa muviri kunobatsira kuderedza dambudziko regomarara iri.

“Murume akaitawo huremu hunoraudzira kana kuti obesity mukana wekuita dambudziko iri achiri mudiki wakanyanya saka tinokurudzira kuti varume vaite maexercise nekugaro ita mabasa anoita kuti vadikitire zvinobatsira." VaNkala vaudza Studio 7. " Vatiwo, "Vanhu vanofanirwa kudya zvine hutano zvinovaka muviri zvinoderedzawo dambudziko regomarara iri,” vakadaro VaNkala

Amai Rudo Muchingambi vanoshanda mesangano rakazvimiririra roga reMiracle Missions iro riripakati pemasangano akabatana nechipatara cheChitungwiza vhiki rapera kuongorora vanhurume gomarara iri vakati kuongororwa pachena kunobatsira kuti vanhu rume vakurumidze kubatsirikana.

Amai Muchingambi, “Takaona kuti vanhu magariro avakaita havawanzokoshesa kuziva kuti hutano hwavo huripapi maererano nemagomarara uye kunyangwe vakaziva kazhinji kacho vanenge vasina mari yekubatsirika sezvo zvichibhadhariswa izvo zvakatisunda tibatsirewo kuti vagari vekuChitungwiza vakwanisewo kuongororwa pachena."

Vatiwo, "Zvakakosha kuziva hutano hwako zvisati zvaenderera ikabatwa nekukurumidza unorapwa asi ukazobatwa rakomba zvinogona kunetsa kurapa. Ndosaka tichiti zvakakosha kuti varume vaongororwere,” vakadaro Mai Muchingambi

Asi VaIsaiah Matiza mumwe mugari wemuHarare vati ,“Ini hangu maererano nekusava neruzivo kuti zvinoitwa kupi kana kuti kuziva nezvekuvhenekwa kweprostate cancer handinyanyoiwana zvizhinji."

Vatiwo, "Ndovimba varume vazhinji ndodambudziko ravanaro rekuti havasi kuwana dzidziso yakakwana nezvegomarara iri”

VaMatiza vatiwo zvingabatsirawo kana hurumende ikaita zvirongwa zvekuongorora magomarara pachena kunzvimbo dzese munyika nguva nenguva.

Gwaro rinonongorora mariro akaita chirwere ichi munyika reZimbabwe National Cancer Registry 2019 Annual report rinoratidza kuti gomarara riri kubata vakawanda ndere pamuromo wechibereko kana kuti cervix uteri inova zvikamu makumi maviri nezviviri kubva muzana ichitevererwa negomarara repasika rudzi inova zvikamu gumi nechimwe kubva muzana kwozouya gomarara repazamu (breast cancer) riri pazvikamu zvisere kubva muzana. Gwaro iri rinoti varume verudzi rechitema ndivo vanobatwa negomarara iri kunyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere