Vashandi vehurumende vanoti vari kutarisira kuti hurumende ichazadzisa chivimbiso chayo chekuti ine hurongwa hwekuvawedzera mihoro yavo mumari yekuAmerica senzira yekuvadzivirira kubva kumarwadzo ekushaya simba kweZiG.
Munyori mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation Of Public Sector Trade Unions , VaDavid Dzatsunga, vanoti vanotambira zvikuru mashoko akaziviswa negurukota rezvevashandi vemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, VaJuly Moyo, ekuti hurumende yakaisa mari yekuita izvi parutivi.
VaDzatsunga vanoti chikuru chavanoda ndechekuti vashandi vehurumende vatambire mihoro inovakwanira uye inovararamisa.
"Saka tinotambira zvikuru mashoko iwayo, asi tinodazve kuti tichitambira kudaro toda kukohomedza kuti nhaurirano dzedu dzichiri kuenderera mberi. Ndakanzwawo ivo (VaMoyo) vachitaura saizvozvo kuti vanhu vachiri kutaurirana," VaDzatsunga vanotsanangura.
Gurukota VaMoyo neSvondo vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti hurumende yakaisa parutivi mari ine chitsama yekuti ikwanise kuwedzera vashandi vayo vepasi mihoro yavo pamwe nekupa vashandi mari dzemabhonasi dzegore rino.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisawo svondo rapera kuti hurumende ine hurongwa hwekuwedzera mihoro yevashandi vayo.
Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe kuti mari idzi dzichapiwa vashandi riinhi uye kuti dzinenge dzakawanda zvakadii?
Your browser doesn’t support HTML5
Vanoongorora zvehupfumi vachitungamira sangano reCoalition for Market and Liberal Solutions (COMALISO), VaRejoice Ngwenya, vanotiwo chinhu chakanaka chose kuti hurumende itarisise mihoro yevashandi vayo sezvo vave nenguva vachichema nenyaya dzemihoro yavo.
"Saka kana hurumende yedu iriyo hurumende inokwanisa kubhadhara masoja, mapurisa nekutengera mota madzishe, hurumende inofanirwa kunge ichitarisisawo hutano hwevadzidzisi. Aah, chinhu chakanaka chaizvo."
Vashandi vehurumende vanonzi havasi kutaura nezwi rimwechete sezvo vamwe vari kuti vari kuda mihoro inoita mazana masere emadhora ekuAmerica.
Ukuwo, sangano revarairidzi vekumaruwa reARTUZ riri kuti varairidzi vanofanirwa kuti vatambiriswe mihoro inotangira pachiuru nemazana maviri ane makumi matanhatu emadhora ekuAmerica pamwedzi.
Your browser doesn’t support HTML5