Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden Vanosendeka Rwendo Rwavo Vachimira neVagari vemuFlorida Avo Vatarisana neDutumupengo Milton

  • Jonga Kandemiiri

Mufananidzo watorwa neNOAA uchiratidza Hurricane Milton mugungwa reGulf of Mexico.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanonzi vambosendeka parutivi rwendo rwavo rwavanga vakaronga svondo rino rwekuenda mhiri kwemakungwa kuitira kuti vaone pamwe nevagari vedunhu reFlorida iro rakatarisana nedutumupengo Milton.

Mashoko aburitswa nemuzinda weWhite House anoti VaBiden wasendeka parutivi rwendo rwavo rwekuGermany nekuAngola kuti vange vachiona nezvegadziriro yekudzivirira Hurricane Milton pamwe nekubatsirwa kuri kuitwa nzvimbo dzakaparadzwa nerimwe dutumupengo rakarova svondo yapera, Hurricane Helene, iro rakaparadza matunhu ekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAmerica.

Vamwe vagari vemuFlorida vanonzi vari kuenderera mberi nekusiya misha yavo vachienda munzvimbo dzakachengetedzeka dzakatarwa neboka rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mudunhu iri uko vari kunohwanda mafashamu emvura ari kutarisirwa uye kuparadzwa kwedzimba nemidziyo.

Vanhu vanosvika chidimbu chemiriyoni vari kutarisirwa kutiza misha yavo muFlorida.

Hurricane Miltoniri kutarisirwa kusvika mudunhu reFlorida mangwana richitarisirwa kumhara muTampa Bay.

Hurricane Milton ine mhepo inonzi iri kumhanya makiromita mazana maviri nemakumi masere paawa kuchitiwo mvura ichi famba makiromita gumi nemashanu paawa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muOrlando muFlorida, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti kunyange hazvo munzvimbo yavo vachiri mudzimba dzavo, vanotarisira kuti dutumupengo iri richasvika Chitatu, uye vane tarisiro yekuti vachanzi vabve mudzimba dzavo vachienda kunzvimbo dzakachengetedzeka.

Vanoti zvikoro nemahofisi ehurumende zvatovharwa uye mitsetse yevanhu vari kuda kutenga chikafu nemvura yakakura kwazvo muzvitoro zvikuru zvinotengesa zvinhu izvi.

"Ndingati kubva nezuro vanhu vari kuungana pazvitoro zvechikafu, kunana Walmart uye vari kukumba zvinhu kana mandiro atinoti ma disposable plates nama cups, matishu, ma paper towel, mvura nezvikafu zvimwe zvinogona kuzodyika zvisina kubikwa, nekuti vanhu vanotarisira kuti hazvizivikanwe nekuti magetsi anogona kunge asiko," vanodaro Doctor Gwekwerere.

Vanoti hurumende iri kubatsirawo nekuwanisa vanhu matsaga ejecha ekuti vaise padzimba dzavo kuitira kuvharira mvura kunze kana yazoita mafashamu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Gadziro Gwekwerere