Vashandi veHurumende Vari Kuwedzerwa Mari Mwedzi Uno

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Mthuli Ncube

Hurumende inoti kutanga mwedzi uno ichawedzera vashandi vayo mari yemuhoro zvichitevera kuwirirana kwayaita nevamiriri vevashandi.

Munyori mukuru mubazi rezvevashandi VaSinon Masanga vaudza Studio 7 kuti pane chibvumirano chakanyoreranwa nevashandi.

Asi varamba kutaura zvizhinji vachiti tinzwe kubva kuvashandi vacho uye kubazi rezvemari.

Nhaurirano idzi dzinoitwa pasi pekanzuru inonzi National Joint Negotiating Council (NJNC).

Mutungamiri wesangano rinomiririra vashandi reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions Amai Cecilia Alexander vatenda kuti pane chibvumirano asi vakati pane zvimwe zvirehwa rehwa zvakasara.

Vati, “Takawirirana kuti vashandi vambopihwa mari mwedzi uno backdated kuna September asi nhaurirano dzichienderera mberi.”

Amai Akexander vati kutaura kuti vachapihwa marii kunogona kukanganisa nhaurirano.