Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanopikisa vari munyika nekunze kwenyika vari kushoropodza hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vachiipomera mhosva yekushandisa nzira dzekunyaradza vanopikisa dzakafanana nedzaishandiswa munguva yehurumende yehudzvanyiriri.
Vari kunyunyuta ava vanoti zviri kuitwa nehurumende hazvina kusiyana nezvaiitwa munguva yehutongo hwevachena zvekungokanda mumajeri vose vanoonekwa sevanopikisa hurumende kana vanorwira kodzero dzevanhu.
Izvi zvinotevera kukandwa mumajeri kwevanopikisa vanosanganisira VaJacob Ngarivhume veTransform Zimbabwe, VaJameson Timba, VaAmos Chibaya nevamwe vanobva kuchimwe chikwata chebato rinopikisa reCCC, pamwe nevanorwira kodzero devanhu, vamwe vavo vachinyimwa mukana wekubvisa mari dzechibatiso.
VaTimba nevamwe vavo vakasungwa musi wa 16 Chikunguru vachicherechedza zuva remwana weAfrica.
VaNgarivhume vakazosungwawo musi wa Nyavhuvhu 2 vachipomerwa mhosva yekupinda musangano wakaitwa naVaTimba nevamwe uyu.
Kunyange hazvo vamwe vakachenurwa nematare, kuramba vatungamiri ava vari muhusungwa vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwaita kuti vakawanda vabvunze kuti chii chaicho chiri kuitika munyika inonzi inotevera bumbiro remitemo?
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano re All Hands on Justice Va Kennedy Masiye vanoti zviri kuitwa nehurumende ndizvo zvagara zvinoitwa nehurumende dzinenge dzichida kutyora kodzero dzevanhu.
"Toziva kuti bumbiro remitemo rine kodzero yekuti munhu wese ane right to liberty, and from history and from ma cases atiri kuona kuti iyi right iyi i right isisakosheswe nehurumende," VaMasiye vanotsanangura.
Vanoti zvinoshamisa ndezvekuti matare edzimhosva ave kuita sekunge asisakoshesi kodzero iri mubumbiro iyi.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari gweta uye vari nhengo yeZanu PF Doctor Masimba Mavaza, vanoti kugara kwaVaNgarivhume nevamwe vavo mumajeri hakusi kukonzerwa nehurumende uye mapurisa ndivo vanosunga munhu, kwete hurumende.
"Vari kuiswa nematare nemhosva yavakapara. Saka kana muchiti hurumende iri kuvaisa muhusungwa, aiwa, hachisi chokwadi," VaMavaza vanodaro.
VaMavaza vanoti kana munhu achiramba ari muchizarira vanenge vaine mhosva davakapara dzakamirira kutongwa kumatare edzimhosva.
Your browser doesn’t support HTML5