Mutungamirir wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira vanoita zvezvicherwa kuti vashandise hunyanzvi hwechizvino zvino kukwenenzvera zvigadzirwa zvavo uye vakati ngazvisimudzire munhu wose munyika.
Vachitaura pakuvhura zviri pamutemo gkwechirongwa che Mining Engineering and Transport Expo kana kuti Mine Entra muBulawayo nhasi, VaMnangagwa vati vanofara nezviri kuitika mumabasa ezvicherwa.
Asi vati makambani anoita mabasa aya anofanirwa kusasarira mumashure pane zviri kuitika pasi rose uye anofanirwa kushanda nemakambani ari mune zvimwe zvikamu uye nevezvikoro zvepamusoro soro kuitira kuti mabasa ezvicherwa anyatsosimudzira hupfumi hwenyika nenzira yakafanira.
VaMnangagwa vati, “Tinotarisira kuwana zvimwe zvakawanda kubva muchikamu chezvezvicherwa zvichabatsira zvimwe zvikamu kusanganisira zvakadai sekugadzirwa kwezvinhu, zvekuvaka, kurima, nezvimwe.”
Mutungamiri wenyika ati makambani anoita zvezvicherwa anofanirwa kushandisa zvechizvinozvino kana kuti Artificial Intelligence kuitira kuti awane nzira itsva dzekuita mabasa awo kuitira kuti akwanise kuvandudza mabasa awo achiita izvi nenzira dzinoenderana nechinangwa chekusabudisa mweya wakawanda unowedzera kushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti carbon emission.
Vaenderera mberi vachitiwo, “Hamufanirwi kungofunga chete nezvekuita mari nekuenda kuma holiday asi kuti mufungewo nezvevanhu vari munzvimbo dzamunoshandira." Vatizve, "Ndinokurudzira vose vari muzvinzvimbo zvehutungamiri kusanganisira mune zvematongerwo enyika pamwe nemakurukota ehurumende kuti vagare vachikoshesa zvakanakira nyika mumabasa avo.”
Gungano regore rino riri kuitwa paine kugunun’una kwevemakambani emuno ayo anochema nerekuti makambani makuru anoita zvezvicherwa ari kutenga kunze kwenyika zvinhu zvaanoshandisa mukuita mabasa awo pane kutenga munyika.
Mukuru weShepco Holdings iyo inogadzira zvimwe zvinoshandiswa mumabasa ezvicherwa, VaShepherd Chawira, avo vawana mubairo wekutanga pamakambani emuZimbabwe ari kuratidzira pagungano iri, vati vanobvumirana nemaonero eongororo yakaitwa nebazi rezvezvicherwa inoratidza kuti pamari inopfuura mabhiriyoni maviri yakashandiswa nemakambani aya kutenga zvinhu, zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemari iyi zvakashandiswa kutenga zvinhu muZimbabwe.
VaChawira vati, “Pane machallenges aripo avanotaurawo akafanana nema high prices, akafanana nequality yezvinogadzirwa necapacity yekuzvigadzira asi tiri kuti ngatishandei pamwe nevemakambani ava kuti tigadzirise matambudziko aya.”
Mutevedzeri wemukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaJoseph Gunda, vari zvakare mukuru weGeneral Beltings, imwe yemakambanianogadzira zvinoshandiswa mune zvezvicherwa, vati pave nenguva pachitaurwa kuti pave nemutemo wakajeka unotaura kuti panofanirwa kuve nechikamu chezvinhu zvinotengwa muno nemakambani makuru ari muzvicherwa asi izvi hazvizi kuitika.
“Panofanirwa kutorwa matanho akajeka uye akasimba anonyatsobudisa pachena kuti a specific quota yema goods and services inoshandiswa nemamining companies zvive zvinobva mumakambani emuno." VaGunda vaudza Studio 7. Vatiwo, "Pane dzimwe nyika dzakawanda dzepasi rose dzine mitemo yakadaro.”
Zvichangobva mukubudiswa neConfederation of Zimbabwe Industries zvinoratidza kuti chikamu chezvezvicherwa chiri kuunza munyika zvikamu makumi manomwe nezvishanu zvemari yekunze.
Mukuru wesangano reChamber of Mines, VaThomas Gono, vabvuma kuti chikamu chezvicherwa ndicho chine basa guru pakubatsira kusimudzira mamwe makambani nekubatsira kumutsurudza maindasitiri.
Vatiwo pane mamwe makambani makuru ane zvirongwa zvakajeka zvekusimudzira mabhimisi emunyika.
Asi vatiwo kunyange hazvo chikamu chezvezvicherwa chiri kukura pane zvimhingamupinyi zvakawanda kusanganisira kusave nemagetsi akakwana munyika.
VaGono vati, “Makambani anoita mining anoshandisa magetsi zvakanyanya saka kushaiwak kwawo pamwe nkudhura kwaari kuita kunobva kwaita kuti yatinoti cost of doing business ive yakakura."
Vatiwo, "Pane nyayawo dzema royalties nemitero inobhadhariswa nehurumende iyo yatinofunga kuti yakakura zvikuru. Mining iri pakati pema sectors ose uye kubudirira kwayo kunoita kuti zvimwe zvikamu zvose zvisimukirewo saka tinotarisira kuti tichiramba tichiita engagement nehurumende, tinogadzirisa matambudziko aya.”
Mukuru weAfrica Green muZimbabwe, VaLion Mashiri, vaudza Studio 7 kuti vemakambani ezvicherwa havafanirwe kuramba vachingochema nenyaya dzekushaya magetsi asi kuti vasime mari mukutsvaga magetsi akadai seanobva kuzuva. VaMashiri vati, “Patiri kufunga zvekuwedzera migodhi nekuwedzera kuchera maminerals nekuita beneficiation hatifanirwi kuzviita izvozvo tisingafungi nezvekuti magetsi acho aripo here uye anobvepi.”
Zimbabwe ine zvicherwa zvinokosha zvinosanganisira Lithium, Diamonds, Platinum, Gold nezvimwe uye nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvicherwa zvinogona kuunza mari inoita mabhiriyoni gumi nrmaviri emadhora ekuAmerica pagore. Muna 2022, zvicherwa zvakaunza mari inodarika mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica.
Kunyange hazvo Zimbabwe iine hupfumi hwakasimba munyay dzezvicherwa, nyanzvi dzinoti nyika iyi yakatarisana nedambudziko rekushaya mishina yechizvino zvino, huori sezvo mamwe makambani asingaite mabasa awo pachena.
Sangano re Bussiness and Human Rights Center rinoti gore rapera, vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi matatu nevanomwe vakafa mutsaona dzakaitika mumigodhi, vakawanda vavo vachifira mumigodhi isina kunyoreswa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pamusoro pedambudziko.
Asi vachitaura nevatori venhau muna Chikumi gore rino, mukuru anoona nezvemigodhi munyikakana kuti Chief Government Mining Engineer, VaMichael Munodawafa, vakati kufa kwevanhu ava kwakaita kuti gore ra 2023 rive gore rakaipisisa munhoroondo yenyika munyaya dzezvicherwa.
Kambani yeZimbabwe International Exhibition Centre, uko kunoitirwa gungano reMine Entra inoti gungano regore rino rine makambani anosvika mazana maviri nemakumi mashanu nemashanu, kusanganisira ekuBritain China, India neSouth Africa.
Gungano reMine Entra rinoitwa gore rega rega muna Chikunguru asi rakaendeswa mberi nekuda kwemusangano wepagore weSADC wakaitirwa muHarare mwedzi wapera.