Mazita eVanofungidzirwa Kuti Vakaba US$4 Million kuBulawayo Aburitswa

Ecobank

Mapurisa anoti asimbaradza kutsvaga mbavha nhanhatu dzakaba mari inosvika mamiriyoni mana mubhanga reEcobank kuBulawatyo svondo rapera.

Mapurisa azivisawo mazita evanhu vari kufungidzirwa kuti vakaba mari ava uye vanoti Elijah Vumbunu anozviti Mupositori, David Sawadye, Israel Zulu, Kudakwashe Mudzingwa anozviti Umbro, Takafa Vumbunu anozvitiwo Naison Mahembe, Paul Chinake naBrian Murape.

Matikitivha kubva kuCID, Police Internal Security Intelligence nevamwe vanonzi vaendeswa kunzvimbo dzakasiyana siyana kunotsvaga mbavha idzi zvikuru kumabhodha sezvo dziri kutyirwa kuti dzinogona kutiza kuenda kuSouth Africa kwadzinogara.

Mapurisa anoti ari kushandawo neekuSouth Africa nesangano guru remapurisa reInterpol.