Maonero eHurumende yeAmerica paKusvika Gore Kubva Zvarwiswa Israel neHamas

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden. (Mufananidzo naANDREW CABALLERO-REYNOLDS / AFP)

Mashoko anotevera anoratidza maonero ehurumende yeAmerica pakusvitsa gore kwehondo pakati peIsarel neHamas.

Musi waGumiguru 7, 2023, Hamas yakakanda zviuru zvezvombo muIsarel, panguva iyo mazana ematororo eHamas akapinda muIsrael achiyambuka muganhu kubva muGaza kunouraya, kubata chibharo, nekutocha.

Zuva iroro vanhu mu srael vanosvika chiuru nemazana maviri, kana kuti 1 200 – vazhinji vavo vari vanhuwo zvavo, vakaurayiwa zvine hutsinye; vamwe mazana maviri nemakumi mashanu vakaendwa navo muGaza senhapwa.

Rakave zuva rakaipisisa kuvanhu vechi Jewish kubva zvakaitika Holocaust.

Mugwaro rekucherechedza kusvitsa gore mushure mekurwiswa uku, mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, Amai Kamala Harris vakati, “Zvakaitwa neHamas zuva iri hutsinye chaihwo – zvaityisa uye kurwarisa.”

Vakati izvi zvakamutsiridza kutya kukuru muvanhu vechi Jewish, kwete vari muIsrael chete asi kuti muAmerica nepasi rose.”

Mune rimwe gwaro, mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vakashoropodza kurwiswa kwakaitwa musi wa 7 Gumiguru kune hutsinye husingataurike uku.

Vakati vakaisa pachena panguva iyoyo kuvanhu vemu Israel kuti havasi vega.

VaBiden vakati mushure megore mutevedzeri wavo Amai Harris naivo vanoramba vakazvipira zvizere mukuchengetedzeka kwevanhu vechi Jewish, kuchengetedzeka kweIsrael, nekodzero yayo yekuti ivepo.

VaBiden vakati vanotsigira kodzero yeIsrael yekuti izvidzivirire kubva mukurwiswa neHezbollah, Hamas, Houthis, neIran.

Vakati svondo rapera zvichibva mukutungamira kwavo, mauto eAmerica akabatsira zvakare zvakasimba mukubudirira kwekudzivirirwa kweIsrael kubatsira kukunda Iran mukurwisa kwayaiita nezvombo zvemuchadenga.

Mutungamiri wenyika VaBiden vakazivisa kuti musi waGumiguru 7 ucharangarirwa munhoroondo sezuva rinosuwisa kuvanhu vemu Palestine nekuda kwehondo yakakonzerwa kwavari neHamas pazuva iri.

"Vanhuwo zvavo vakawandisa vatambudzwa zvakanyanya mugore rose raitika hondo iyi - zviuru zvevanhu zvaurayiwa, vazhinji vavo zvichikonzerwa nekuti matororo ari kuhwanda achishanda ari muvanhu vasina mhaka.”

VaBiden vakavimbisa kuti America haisi kuzomira kushanda kuti ibudirire kuwana chibvumirano chinomisa hondo muGaza chinounza kusungungurwa kwevari muhutapwa, kubvumidza kuwedzerwa kwerubatsiro kuitira kuderedza kutambura kwevanhu, chinobvumidza kugadzikana kweIsrael, nekupedza hondo iyi.

Vakati zvizvarwa zveIsrael nezvizvarwa zvePalestine zvose zvine kodzero yekugara zvakachengetedzeka, zvine chiremera nerunyararo.

Vakati vanorambawo vachivimba kuti nhaurirano mudunhu riri kumuganho weIsrael neLebanon ndidzo chete nzira yekudzosa nayo kugadzikana kwenguva ndefu nekubvumidza vagari kumativi ose kudzokera kudzimba dzavo zvakachengetedzeka.

VaBiden vakati pazuva rekurangarira iri vanoremekedza mweya wekuramba kukundwa wevanhu vechi Jewish nekuchema vakaurayiwa musi waGumiguru 7, vachiti ndangariro dzavo dzive chikomborero.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yemaonero ehurumende yeAmerica

Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica amaverengerwa neni Jonga Kandemiiri weVOA Studio 7.