Dhora rekuAmerica Rotenga MaZiG Makumi Mashanu US$1: 50 ZiG

ZiG

Mari yemunyika yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG iri kuramba ichishaya simba zvakanyanya zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Nhasi kune dzimwe nzvimbo, dhora rekuAmerica rimwe chete range richitenga maZiG ari pakati pemakumi mana nemashanu kusvika pamakumi mashanu kana kuti US$1 to 45 ZiG kana 50ZiG.

Asi kuRBZ, maZig makumi maviri nematanhatu kana kuti 26ZWG kudhora rimwe chete rekuAmerica kana kuti US$1: 26, 3672.

Asi gavhuna weRBZ VaJohn Mushayavanhu vakaudza vatori venhau kuti vane chivimbo ichi kuti dhora iri richasimba zvakare sezvo vari kutora matanho. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Eddie Mahembe vanoti vanhu havachina chivimbo nevakuru veRBZ zvopa kuti dhora rirambe richishaya simba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEddie Mahembe

Chipangamazano cheRBZ VaPersistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti ZiG rinokwanisa kudzikamiswa pakatevedzerwa matanho akatarwa nebhanga guru renyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPersistence Gwanyanya