WHO Inoti Yakazvipira Kubatsira Zimbabwe Kurwisa Mpox

Gurukota rinoona nezvehutano Doctor Douglas Mombeshora vazivisa veruzhinji kuti vasanyanye kuvhunduka havo kunyangwe nezuro vakazivisa kuti munyika mave nechirwere chiri kupararira zvakanyanya muAfrica nedzimwe nyika cheMpox. United Nations inotiwo ichashanda neZimbabwe kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Sangano reWorld Health Organization muZimbabwe ravimbisa padandemutande raro reX kuti richashanda nehurumende pakuona kuti paitwa gadziriro yakasimba kuti chirwere cheMpox chakatanga kupararira kuDRC chisauraye vanhu vakawanda munyika.

VaMombeshora vaudza Studio 7 kuti Mpox chirwere chisati chave nemushonga asi vakati pane zvinokwanisa kuitwa kuderedza hukasha hwacho. Vati, “Nekuda kwekuti hapana mushonga, ndokusaka tichikurudzira kuti vanhu vazvidzivirire.”
Doctor Mombeshora vakazivisa nyika nezuro kuti pane mwana ane makore gumi nerimwe akatanga kurwara nechirwere ichi mushure mekushanyira South Africa uyewo mumwe ane makore makumi maviri nemana akabatwa nacho mushure mekushanyira Tanzania. Vakabatwa nechirwere ichi vari muHarare neMberengwa uye vanonzi vari nani apo hurumende ichiti yave kuongorora vanhu vavakasangana navo.

Vatiwo chirwere ichi chinonyanya kuuraya vanhu vane zvimwe zvirwere kana vane masoja emuviri asingakwanise kunyatsovadzivirira. Vari munjodzi vanosanganisirira vanorwara, madzimai akazvitakura uye vana vadiki.
Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vakurudzira kuti paitwe dzidziso yakasimba nezvechirwere ichi.

Chiremba Peter Mataruse vatiwo hurumende inofanira kuongorora vanhu vanenge vachibva kunyika dzine chirwere cheMpox ichi.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevarwere reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vatenda hurumende nekurumidza kuzivisa nezvevanhu vakabatwa nechirwere ichi vakakurudzira vanhu kuti varegedze zvekungoungana.

Zviratidzo zvekuti munhu abatwa nechirwere ichi zvinosanganisira kubuda mapundu muviri wose, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nemusana, kunzwa kurukutika nezvimwe.

Kune vanenge vabatwa nechirwere ichi, sangano reWHO rinokurudzira kuti vagare muchipatara kana mumba vari mukamuri yavo vega. Varwere vanokurudzirwawo kupfeka mask uye hembe inovhara maronda avo. Vanenge vaine chirwere ichi vanokurudzirwa kuti vasaite bonde risina kudzivirirwa kwemavhiki gumi nemaviri uye kuti vamire zvekutsvodana.

WHO inoti pasi rose, chirwere cheMpox chauraya vanhu mazana maviri nemakumi matatu nevana kana kuti 234 confirmed cases. Pavanhu ava makumi matatu nevaviri vari muAfrica. Asi kune vakafa vachifungidzirwa kuti vafa nechirwere chi muAfrica vasvika mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 998 unconfirmed cases uye vakawanda vavo vari muDRC.

Zimbabwe, Zambia neGhana ndidzo dzabatwa nechirwere ichi gore rino zvichisvitsa nyika dzemuAfrica dzine mPox pagumi nenomwe. Dzimwe nyika dzine chirwere ichi iZambia, South Africa Ghana, Pakistan, Philippines, Sweden neThailand. Vabatwa nacho pasi rose vachizivikanwa vadarika zviuru zana kana kuti 106 310.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena