Munyori weARTUZ, VaRobson Chere, Vanoti Varerukirwa neKutururwa neHurumende kweNyaya yeKuponda Yavanga Vachipomerwa

  • Jonga Kandemiiri

Munyori weARTUZ, VaRobson Chere.

Munyori wesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaRobson Chere, vanoti varerukirwa zvichitevera danho rakatorwa nehurumende neChishanu chadarika rekuturura kumatare mhosva yekuuraya yavanga vachipomerwa pamwechete nemutungamiri wesangano ravo, VaObert Masarare.

Vachuchisi vehurumende vanonzi vakatora danho iri vaviri ava vasati vamiswa mudare kuti vape divi ravo panyaya iyi mushuire mekunge vaona kuti nyaya iyi yakanga isina mukana wekumira zvakasimba mudare nekuda kwekushaya humbowo hwakasimba hunoroverera vaviri ava.

VaChere vanoti zvichitevera danho iri vakwanisa kudzoserwa gwaro ravo rekufambisa kana kuti pasipoti rakanga rakabatwa nematare sechibatiso chekuti havatizi munyika kusvika nyaya iyi yapera.

"Ndakanzwa kurerukirwa zvikurusa nenyaya yekuti nyaya iyoyi inyaya yandakapindira mujeri ndisina mhosva, uyezve zvinhu zvakaita sepasipotiyangu yanga yakabatwa kwemakore anokwana maviri ndisiri kukwanisa kubuda munyika, ndakaruza mukana wekuenda kuchikoro. Zvose izvi ndaikundikana kuenda panguva yandaipomerwa nyaya iyi,"

VaChere vanotiwo vaisungirwa nemutemo kunozviratidza kumapurisa mwedzi wega wega uyewo nekuenda kumatare edzimhosva, izvo zvakaita kuti hupenyu hwavo humire panzvimbo imwechete.

VaChere naVaMasaraure vakanga vachipomerwa mhosva yekuuraya VaRoy Issa, avo vaive nhengo yesangano ravo reARTUZ muna 20216.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRobson Chere