Vashandi veRenco Mine yeRioZim Vanoramwa Mabasa vachida Kubhadharwa Mihoro yeMwedzi Miviri Yakasarira Shure

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vemumugodhi weRenco vari kuramwa mabasa.

Vashandi vanodarika chiuru vepane mumwe mugodhi weRioZim unocherwa goridhe weRenco Mineuri mudunhu reMasvingo vanonzi vapinda muzuva rechitanhatu vachiramwa mabasa vachida kuti vabhadharwe mihoro yavo yemwedzi miviri yavasati vapiwa pamwe nekuti vapiwe zvikwanisiro zvakakodzera zvekushandisa mubasa ravo.

Mumwe wevashandi vari kunyunyuta vachiramwa mabasa, VaBenson Shuro, vanoti vashandi vose zvisineyi nekuti vari kuchinhanho chipi vari kuramwa mabasa kuburikidza nekuenda kumabasa asi vasinga shande.

VaShuro vanoti vashandi vakagadzirira kudzokera kumabasa chero nguva kana vakangobhadharwa mihoro yavo yemwedzi waNyamavhuvhu naGunyana, vachiti havana ruzivo rwekuti vachabhadharwa here mihoro yemwedzi uno waGumiguru.

Vanoti nhaurirano nemushandirwi hadzina zvadzakaburitsa izvo zvakazosvitsa pakuti vashandi varambe kushanda nekomiti yaimirira vashandi yakazoparadzwa ichinzi yakanga isiri kugona basa.

Kuramwa mabasa kwevashandi vepaRenco Mine uku kuri kuuya panguva iyo vashandi vanodarika mazana matatu vemumwe mugodhi uri pasi peRioZim, weMurowa Diamond, vari kunzi vari kuramwawo zvakare mabasa vachinyunyuta nekusabhadharwa mihoro yavo yemwedzi maviri.

Studio 7 yaedza kunzwa divi reRioZim panyaya iyi asi mudzimai adaira nhare yedu ati anoshanda panosvikira nhare dzekambani iyi ati anga achikundikana kubata vashandi vekuhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko iyo ine mvumo yekutaura nevatori venhau yakamirira kambani iyi.

Mudzimai uyu ati zvakare haakwanise kutipa nhamba dzenhare dzehofisi iyi sezvo asingabvumidzwe nemutemo kuita izvi achiti tirambe tichifona tichishandisa nhare yeveruzhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBenson Shuro