WFP Iri Kuyambira Kuti Inogona Kutadza Kuwana Chikafu Chinokwanira Zimbabwe neDzimwe Nyika dzemuSADC

Nhasi pasi rese racherechedza zuva rekuwanisa vanhu zvekudya kana kuti World Food Day, sangano reWorld Food Program, (WFP) richiti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemanomwe mudunhu rekuchamhembe kweAfrica vakatarisana nenzara zvinotyisa nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.

Mutauriri weWFP mudunhu iri VaTomson Phiri vachitaura vari kuGeneva nezuro vakati nzara iriko haina mukare akamboona uye sesangano vanogona kukundikana kubatsira nyika dziri parumananzombe nekuda kwekushaya zvekudya.

Vakati nyika dzinoti Lesotho, Malawi, Namibia, Zambia neZimbabwe ndidzo dzakatarisana nenzara inotyisa.

WFP inoti inoda mari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi matanhatu ane mapfumbamwe kana kuti US$369 million asi kusvika parizvino yakawanisa kuwana mamiriyoni makumi manomwe mematatu nezviuru zvisere US$73.8 million chete.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wazivisawo kuti uchamira neZimbabwe munyaya yekurwisa nzara uchiti wakapawo rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemaviri $62 million kubatsira nyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mangagwa vakati Zimbabwe inoda mari inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana matatu kana kuti US$3,3 billion kuti ibatsire vari kuyaura nenzara.

Nyanzvi yezvechikafu nebudiriro, uye vaimbove mukuru we sangano reChristian Care muZimbabwe, Mufundisi Forbes Matonga vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumatunhu akawanda enyika sezvo vakawanda vasisina chekudya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMufundisi Forbes Matonga.